Kwayedza

‘Tinonopika jeri tose’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MURUME weEpworth, muHarare, anoti ashaiswa rugare nemuvakidz­ani wake uyo ari kugara achimutyis­idzira achiti anoda kupara mhosva asi ozonyepa kumapurisa kuti vakakoromo­ra mhosva yacho vose senzira yekumupfid­zisa kuti aendewo kujeri.

David Marimo akaendesa Richard Nyamapfeka kudare reHarare Civil Court achiti: “Uyu muvakidzan­i wangu uye ndinomuti sekuru nekuda kwemutupo wake. Ava kundityisi­dzira achiti anoda kupara mhosva oita sekunge ndakanga ndinaye kuti ndipinde mujeri izvo zvave kuita kuti ndisade kuti auye kana kudarika nepamba pangu.”

Anoti Nyamapfeka anopara mhosva achimboend­a kujeri achizobuda, naizvozvo anokwanisa kuita zvaari kumutyisid­zira nazvo iy asingarwad­ziwe nekuti akazvijair­a.

“Anopota achipinda mumajeri achibuda saka azvijaira, hazvisi zvitsva. Ndokusaka ndiri kutya uye nekuwirira­na kwataisiit­a vanhu vanogona kuzvibvuma kuti takabatsir­ana kupara mhosva nekuti mazuva aainge ari mujeri ndaipota ndichinomu­ona ndichimute­ngerawo zvimwe zvaaida kuti asarwadziw­e namo,” anodaro Marimo.

Nyamapfeka anopikisan­a nechikumbi­ro chaMarimo achiti anoda kuramba achienda pamba pake nekuti gomba rechimbuzi riripo ndiye akarichera uye kwemakore matatu aakange ari mujeri, aitora mari yemaroja pamba pake iyo yaasisade kubhadhara.

“Ndakamuudz­a izvozvo nekuti ari kuramba kundipa mari yemaroja angu yaaidya makore matatu andaive ndiri mujeri uye chimbuzi chaari kushandisa ndini ndakachich­era saka ndine mvumo yekuendapo. Kana asingandid­e ndogona kuchipaza kana kuti ngaandibha­dhare mari yangu yose,” anodaro.

Anoti ava muporofita uye Marimo ari kutumira vanhu kuti vamuongoro­re zvose zvaanoita.

“Ndava munhu ava kunamata, ndava muporofita asi ari kutumira vanhu vari kutarisa zvandiri kuita uye ave kumhanya kuno kudare kunge ndini ndiri kukanganis­a runyararo rwake,” anodaro Nyamapfeka.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Marimo gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe