Kwayedza

Kunzwisisa mutemo Zvinoitwa kana kunogara mumwe kusingaziv­ikanwi

- Danai Chirawu

KURAMBANA hakusi nyore asi zvinhu zvinoitika zvisinei nekuti kune miripo inobviswa pamutemo kuti zvinge zvichifamb­a uye kunorwadza.

Kurambana kune matambudzi­ko anouya kuvana uye munyaya dzemari nekugovera­na kwemidziyo.

Kana danho iri richinge ratanga, mumhan’ari anofanira kuudza dare zvaanenge achida kuti zvichiitwe mukuramban­a ikoko uye kugoverwa kwemidziyo nezvichang­e zvichiitwa kuvana.

Kuti izvi zvinge zvichiitwa, panotumirw­a masamanisi anoendeswa kumushandi anofambisa mashoko wedare guru reHigh Court (sheriff) kuti aaendese kumunhu waari kuda kurambana naye anova mumhan’arirwi. Kuti magwaro aya ange achiendesw­a, sheriff anofanira kuziva kunenge kuchigara mumhan’arirwi.

Kufambiswa kwemashoko uku kwakakosha nekuti kunotaura kuchinjwa kuchaitwa zita remumhan’ari achishandi­sa rekumhuri kwake apo remuchato rinenge richibvisw­a nezvimwe zvainge zvakasandu­rwa.

Pane dzimwe nguva apo vanhu vanongosiy­ana asi vasinganod­imburisi muchato zvinozoita kuti vazokundik­ana kuziva panenge pave kugara mumhan’arirwi apo vanenge vava kuda kurambana zviri pamutemo.

Pane zvinoitwa pamutemo kuti munhu iyeye ange achitsvagw­a kana kuendeserw­a magwaro kuburikidz­a nekushamba­dzwa mumapepanh­au munyika inenge iri kugara mumhan’arirwi kana kuatumira kubasa kwake.

Dare rinogona kupa mutongo zvichifamb­irana nezvinenge zvashambad­zwa richipa zvikonzero zvekuti rinenge rakundikan­a kuwana munhu uyu patsvakuru­dzo dzinenge dzaitwa nasheriff.

Mumhan’ari anofaniraw­o kutsanangu­ra chikonzero chekuti sei ari kuda kuti wanano iyi iparare.

Nekuda kwekuti kune nyaya dzehuwori idzo dzinoitwa nevamwe vamhan’ari apo vanonyepa kuti muman’arirwi ari kunze kwenyika kana kuti ashaikwa zvachose munyika muno, dare rinopa mutongo wekuti mamwe magwaro ese ange achiendesw­a kuhama yemumhan’arirwi kuitira kuti asazoshami­sika kuona atorerwa dzimwe kodzero dzewanano dzaanenge ainadzo semidziyo kana vana.

Kana dare richinge rapa mutongo uyu, unopa mvumo kuti izvi zvinge zvichiburi­tswa mumapepanh­au uye rinopa mukana wemazuva gumi ekuti mumhan’arirwi ange achipindur­a. Kana achinge apindura panenge pasisina chikonzero chekuti arambe achishamba­dzwa mupepanhau nekuti anenge ave kuzivikanw­a kuburikidz­a nekupindur­a kwaanenge aita.

Asi, kana asina kupindura shambadzo idzi pakazoitwa shambadzo dzekugumis­ira, dare rinenge rava nekodzero yekupa mutongo waro uye panenge pasisina mukana wekupindur­a.

* Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@zwla.co.zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131. Munogona zvakare kutibata paWhatsApp inoti 0777 828 201.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe