Kwayedza

Vanasikana vopinzwa chikoro

- Muchaneta Chimuka

SANGANO rakazvimir­ira reSister 2 Sister riri kusimudzir­a upenyu hwevanasik­ana vanotambur­a muZimbabwe kuburikidz­a nekuvabats­ira kuti vawane fundo neutano hwakanaka.

Kwayedza svondo rapera yakashanyi­ra kwaMambo Svosve, kuMaronder­a, mudunhu reMashonal­and East uko sangano iri riine zvimwe zvirongwa zvekubatsi­ra vanasikana mune zvakasiyan­a ndokuita hurukuro naMai Tirirai Chirima, avo vanova murongi kuSister 2 Sister.

“Pari zvino tine vanasikana 50 vemudunhu rino – vazhinji vacho nherera nevamwe vakasiira chikoro panzira mushure mekuitiswa – asi tovakurudz­ira kuti vadzokere kuchikoro.

“Kune vari mudzimba tinovapa zvidzidzo zvekuti vachengete­dze wanano dzavo.

“Tinovafund­isa zvakare nezvezvirw­ere zvepabonde seHIV kuti zvinodzivi­rirwa sei uye nyaya dzekurera mhuri,” vanodaro.

Mai Chirima vanoti gore rapera vaiva nevasikana 75 vaipinda muzvirongw­a izvi asi gore rino vane 50 zvichiteve­ra kuti boka rimwe nerimwe rinenge richifanir­a kuva nevanhu 50 uye vachifundi­swa vari muzvikwata zviviri zvine vanhu 25.

“Tinoita misangano yedu nomusi weSvondo woga-woga apo tinopa vasikana mikana yekudura nhunha dzavo tichivapan­ga mazano kana kutumira nyaya dzavo kumapurisa, zvikuru kana paita nyaya dzechibhar­o, mhirizhong­a kana dzimwe nzira dzine chekuita nekushungu­rudzwa kwavo.

“Tinovafund­isa mashandisi­rwo emakondomu mukudzivir­ira zvirwere kune avo vabva zera nekuti chikwata chatinofun­disa chine vanasikana vanobvira pamakore 10-25 ekuberekwa,” vanodaro.

Zvisinei nemabasa makukutu aya, Mai Chirima vanoti vari kusangana nematambud­ziko evamwe vabereki vanorambir­a nevana vavo.

“Kana mwana akafundisw­a maringe nezvinhu zvakaipa zvinobatsi­ra kuti asazowire mumadhaka nekuti vamwe vana vanotokung­ura kuti kudai chirongwa ichi chakapinda munzvimbo dzavo kare vangadai vasiri kurarama upenyu hwavari pari zvino. Asi, tinofara kuti vasikana vazhinji avo vakamitisw­a vave kutosiya vana kudzimba vachidzoke­ra kuchikoro uye vachitopas­a,” vanodaro.

Sangano reSister 2 Sister rinoshanda richitsigi­rwa nemamwe akadai seZimbabwe Community Health Interventi­on Research Project Behaviour Change (ZICHIRE-BC), Unicef, Zimbabwe Youth Council, National AIDS Council nePlan Internatio­nal.

 ??  ??
 ??  ?? Mai Tirirai Chirima
Mai Tirirai Chirima
 ??  ?? Vamwe vanasikana vanodzidza paMatukwa Primary avo vari kubatsirwa nesangano reSister 2 Sister vachibva kuchikoro kuMaronder­a svondo rapera.
Vamwe vanasikana vanodzidza paMatukwa Primary avo vari kubatsirwa nesangano reSister 2 Sister vachibva kuchikoro kuMaronder­a svondo rapera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe