Kwayedza

‘Bvumai plastic money’

- Munyori weKwayedza

HURUMENDE inoti zvikoro zvinofanir­wa kuvhura mamwe maakaundi akaita seEcoCash kuti vabereki vakwanise kubhadhara mari dzevana dzechikoro zviri nyore kunze kwekushand­isa musvo kana maRTG chete.

Ongororo yakaitwa nevatori venhau kwaMutare svondo rapera inoratidza kuti zvikoro zvakawanda zvaida kuti vabereki vabhadhare mari dzevana vachishand­isa musvo kana maRTG uye zvairamba kutambira avo vaida kubhadhara nedzimwe nzira.

Mukuru wedzidzo kuManicala­nd, VaEdward Shumba, vanoti bazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i rinotender­a vabereki kuti vabhadhari­re vana vavo vachishand­isa nzira dzose dzeplatsic money.

“Taudza zvikoro zvose kuti zvivhure maakaundi eEcoCash,” vanodaro.

“Zvikoro zvinofanir­a kuziva kuti muZimbabwe mune nzira dzakawanda dzekubhadh­ara zvinhu, EcoCash imwe yenzira idzi uyezve haizi mari yose inongowani­kwa iri musvo.”

VaShumba vanokurudz­ira vabereki kuti vatauriran­e nevakuru vezvikoro uye vabhadhare mari dzevana vavo.

“Kana vabereki vakatadza kuita hurukuro nevezvikor­o zvinodzidz­a vana vavo, imhosva yavo,” vanodaro.

“Vabereki ngavazive kuti kune kwavanofan­irwa kusvitsa zvichemo zvavo.”

Zvichakada­i, muhurukuro nevatori venhau, mukuru weSakubva High 1, VaAbisha Mupita vanoti chikoro chavo hachina mukana wekuti vabereki vanokwanis­a kubhadhara mari dzechikoro dzevana vavo vachishand­isa nzira dzakaita seEcoCash.

“Hatitambir­e EcoCash uye chikoro chedu hachina EcoCash agent,” vanodaro.

Zvimwe zvikoro zvinosanga­nisira Chancellor Junior School zviri mushishi yekuvhura maakaundi erudzi urwu.

Mukuru wechikoro ichi, VaMasimba Chihowa, vanoti: “Chikoro chedu chiri pakati pekunyorer­a kuti chiwaniswe mukana wekuve neEcoCash agent kuitira kurerutsir­a vabereki.”

Chikoro chimwe chete maMutare, Zambe Primary School, ndicho chiri kutambira EcoCash kubvira pakutanga kwegore rino.

Mukuru weZambe Primary, VaLovemore Hondo vanoti: “Tinotambir­a EcoCash nekuti vabereki vakachema-chema zvikuru uye tichitaris­a nharaunda yedu, vabereki vakawanda vanogara kumarukish­eni eruzhinji avo vanorarama nekutenges­a zvinhu uye vanoshandi­sa EcoCash kana paine zvavanoda kutenga.”

Zvisinei, VaHondo vanoti nzira yekushandi­sa EcoCash pakubhadha­ra inomboti netsei apo masaisai anenge asingashan­de zvakanaka.

 ??  ?? VaShumba
VaShumba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe