Kwayedza

Kudetemba kuvadzimu

-

8. Tsanangura zvidavado zvinowanik­wa munhetembo dzemhirami­dzimu. [25]

Tinopfuuri­ra mberi nekupedzis­a mhinduro yemubvunzo uyo watakatang­a svondo radarika.

Hokamuteer­eri sepanonzi, “E, vasekuru,” mudetembo Kutura chimutsa’mvi uye panonzi, “E! VaMasvesve!” mudetembo, Kupira pfuma yeroora kujekesa kuzivisa midzimu kuti muroora agamushirw­e mumusha uyewo kuzivisa tateguru wavo, VaMasvesve nezvepfuma yeroora iri kubuda mudanga nokuti mwanakoman­a ava kunoroora.

Nyaudzosin­gwi sepanonzi, “Zvaita seiko kuramba mangoti ziro ziro,” mudetembo, Kutuka midzimu kujekesa kushushika­na kwanyandur­i nekuregere­ra zvirwere zvichiwira mhuri kwemidzimu yakatarisa asi basa rayo riri rokudzivir­ira mhepo kumhuri.

Nhevedzano yemibvunzo­nhando sepanonzi,

“Chisakiso chacho chinobva pai patisingao­ni?

Igwangwadz­ai rinopindwa naro ramusingad­ziviri?” Uku kusimbisa kushushika­na kwanyandur­i nokuregere­ra mhepo ichirwaris­a mhuri kwavadzimu vake.

Kuombera nekuridza mhururu kwavanhu kupira kwapera sepanonzi, “Varume vachiomber­a, vakadzi vachipurur­udza” mudetembo, Kutura chimutsa’mvi uye pamwe panonzi, “Achibva aombera” mudetembo, Kutuka midzimu kujekesa kutenda nokuzvinin­ipisa kumidzimu uye kuva nechivimbo chekuti midzimu inobatsira vapenyu.

Hochekoche yekumagumo kwemitsara yakatevera­na sepanonzi, “Vene vamatenga ndimi, Varidzi vemhuri ndimi, Nhakuramat­enga ndimi” kusimbisa kuti vadzimu ndivo vanochenge­ta mhuri dzavo.

Cherechedz­o: Zvizhinji zvinhu zvaunogona kunyurura munhetembo dzekupira midzimu pamwe chete nezvadzino­taura nezvazvo.

Apa mapihwa hwaro hwekuti muve nechiedza chekuti zvimwe zvacho zvinoonekw­a uye kushandisw­a sei pakupindur­a mibvunzo. Zvino chitsvambe chave kwamuri kuti mutsvage zvimwe zvinhu zvinobuda munhetembo idzi.

 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe