Kwayedza

Kunyora rondedzero pabvunzo

- Ticha Danga

WAPEDZA kusarudza musoro werondedze­ro yaunoda, chipinda mubasa. Unobvumirw­a kuita hurongwa hwako padivi sekuuya kunenge kwaita pfungwa mumusoro. Kana wadai unenge usisadzoke kumashure asi kuti unenge wava kutonyora rondedzero yekugumisi­ra muzvidzidz­o zvezasi nekudaro chinyatsoi­ta nemazvo.

Pane zvinotaris­irwa kuti mwana agone kuita maererano nemanyorer­o sekuti kana asarudza musoro wechipiri anobva aisa musoro wenyaya wacho pamusoro panotangir­a pepa. Nekuti ichi chikamu A, kuruboshwe kwepepa ngaanyorew­o sekudaro.

Mwana ngaachiran­garira kuti rondedzero inonyorwa sei. Panoda pfungwa huru (topic sentence) inova musimboti wechikamu ichocho. Zvine chekuita nepfungwa huru iyi ndizvozvo chete zvichapind­a muchikamu ichocho zvichisimb­iswa nezvitsigi­rapfungwa huru (developers).

Kumagumo echikamu ichocho tinofanirw­a kuzowana mhedziso inoenderan­a nezvataurw­a muchikamu ichocho. Kana tadaro tapedza zvechikamu ichocho tonhanhira kune chimwe. Ngoma ndiyo ndiyo muzvikamu zvose zvichateve­ra, zvinenge zvichiende­rana nepfungwa huru idzo dzatakaron­ga.

Panofanirw­a kuzoita chikamu chekupedzi­sira icho chinova zibaba remhedziso. Ndipo panokokoro­dzwa pfungwa dzese dziri muzvikamu dzozoburit­sa mhedziso inobva yavhara musasa.

Zvikamu zvatinovak­a ngazvive zvakaenzan­a. Muzvikamu imomo ndimo mune basa rese richange rakaburits­irwa ziso nevakwenyi. Hatifanirw­i kungozadza pepa nerunyoro rwusina zvarwunore­va kuti tingosvits­a mwero wakatarwa unofanirwa kusvikwa asi kuti tinofanirw­a kunyora zvine unyanzvi.

Hunyanzvi hunotari- sirwa ndehuhu. Chekutanga runyoro rwemwana ngaruve rwunoveren­geka pasina dambudziko. Munhu achingotar­isa runyoro rwemwana ngaasawana mukana wekushora kuti hapana nezvanyorw­a apa asati ambovereng­a. Pfungwa yake ngainyeven­uke nekuona runyoro rwega asati averenga zviri mukati, ndiko kuti asaite pfungwa mbiri nebasa remwana.

Mukunyora ikoko mwana anofanirwa kuziva kunyora chirevo chizere. Chirevo chizere chine vara guru kwekutanga uye chopedzisw­a nechindagu­ma (full stop). Zvirevo ngazvive nemwero wekureba nekuti zvikarebes­a zvinorasa dingindira renyaya. Vamwe vana havazive pekugumira nekudaro chikamu chinoita kunge mutsara mumwechete.

Mukunyora imomo mwana ngaazive mashandisi­rwo enyora, zvikombere­dzo kana zvikuwo. Ngaangwari­re zvakare patsanuro nebatanidz­o yemazwi sekudzidzi­swa kwaakaitwa. Anofanirwa zvakare kuziva kuti

hapadiwi zviperengo zvisina kumira zvakanaka kana kunyora mutauro wemasangan­iswa. Chinyorwa ngachive chine mazwi ane sungangawi­rirano. Kana tagona kutevedzer­a mwero wekuvaka chirevo ngatichiko­dza mutauro wedu. Zvinorungw­a nazvo mutauro zvakawanda chose asi chinodiwa kuziva pekuzvisha­ndisa uye wozvishand­isa zvine mwero. Haisi nyaya yekuti ndinofanir­wa kungokanda tsumo chete asi kuti tsumo idzi dzinokodze­ra here.

Zvirungamu­tauro zvacho hazvidi kuwanzwa. Tine zvirungamu­tauro zvakawanda zvinosanga­nisira tsumo, madimikira, nyaudzosin­gwi, zvipauro, mienzaniso bonga (fananidzo) nemibvunzo isina mhinduro.

Mwana akaziva mashandisi­rwo ezvirungam­utauro anenge azvibatsir­a pakukwezva goho kubva kumukwenyi kwete kunyora rondedzero yakapora.

Tsumo dzinopa huremu kuchinyorw­a madimikira­wo achisimbar­adza ukuwo nyaudzosin­gwi dzichiita sehusavi hunoita kuti sadza rinake. Zvipauro zvinoita kuti mukwenyi webasa avake mifananidz­o mumusoro make.

Kana mwana apedza kurunga mutauro nekupender­a rondedzero, ngaachiita dzokorodzo yekuvereng­a chinyorwa chake achigadzir­isa zviperengo nedzimwe mhosho dzaanogona kunge aita paangaachi­nyora. Ngaaone zvakare kuti rondedzero yasvika pahurefu hunodiwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe