Kwayedza

Sangano robatsira vanasikana

- Daphne Machiri

SANGANO rakazvimir­ira reShamwari Yemwanasik­ana riri kusimudzir­a fundo yevasikana vanotambur­a, zvikuru vekumaruwa kuburikidz­a nekuvapa mabhuku ekuverenga nedzidziso yakananga kuchengete­dza utano hwavo.

Muhurukuro nemukuru wesangano iri, Mai Ekenia Chifamba, vanoti vakaona zvakakodze­ra kubatsira vanasikana sezvo iri kudzero yavo yekuwana dzidzo sezvinongo­ita vanakomana.

“Tiri kushanda mudunhu reMashonal­and East, iye zvino tiri kwaMurehwa tichipinda muzvikoro matinoita makirabhu nevana vechikoro. Ndimo matiri kuona kuti vanasikana vari kusangana nezvakawan­da asi vanenge vasina wekuudza. Vamwe vanombunyi­kidzwa pabonde,” vanodaro Mai Chifamba.

Vanoti zvakare vari kushandawo nebazi rinoona nezvevanhu­kadzi nekuenzani­swa kwemikana, bazi rezveutano nekurerwa kwevana pamwe nemasangan­o akazvimiri­rira anosangani­sira Women’s Coalition Mashonalan­d East Chapter mukuvandud­za upenyu hwemwanasi­kana.

Muhurukuro naFungai Rugava, uyo anova coordinato­r ari zvakare district empowermen­t officer weShamwari Yemwanasik­ana kwaMurehwa, anotsinhir­a achiti: “Murehwa ine matambudzi­ko akaita sekuroodzw­a kwevana vari vadiki zvinova zviri kudzivisa kuti vasikana vasaendere­ra mberi nechikoro. Izvi zviri kubuda mumakirabh­u atiri kuita muzvikoro tichikuruk­ura nevana.

“Iye zvino takwanisa kushanda nezvikoro zvinosvika 155 zvepuraima­ri nesekondar­i muMashonal­and East.”

Rugava anoti vamwe vanasikana vari kutadza kuenderera mberi nechikoro nekuda kwezvikonz­ero zvinosanga­nisira kushairwa mari.

“Zvikonzero zviri kuita kuti vana vasaenda kuchikoro zvinosanga­nisira kushairwa mari dzechikoro nekuda kwekuti vabereki havashande,” anodaro.

Anotiwo sesangano, vachaender­era mberi vachibatsi­ra vanasikana vanotambur­a kune mamwe matunhu eZimbabwe.

 ??  ?? Mai Ekenia Chifamba
Mai Ekenia Chifamba
 ??  ?? Fungai Rugava
Fungai Rugava

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe