Kwayedza

Mamiriro edzidzo itsva

- naChiremba

URONGWA hutsva hwedzidzo hwakaumbwa seizvi: Dzidzo yemuzvikor­o inotangira pazera rendumure (E.C.D. A neE.C.D. B), yoenda kuzera revapwere (giredhi rekutanga nerechipir­i), remapunha (giredhi retatu kusvika rechinomwe) kusvika kuvasikana nevakomana vefomu yekutanga kusvika kune yetanhatu. Danho rekutanga (infant school): Zera rendumure nevapwere rinotanga pavana vane makore matatu kusvika mana iro rinodaidzw­a kuti E.C.D. A. Pamusoro pezera iri pane repiri, zera revana vemakore ari pakati pemashanu kusvika matanhatu rinodaidzw­a kuti E.C.D. B.

Kubva ipapo panouya zera retatu regiredhi rekutanga (1) kusvika regiredhi repiri (2). Matanho matatu aya ndiwo anodaidzwa nechirungu kuti “infant school”. Danho repiri (junior school): Iri idanho redzidzo rinobata vana vegiredhi retatu kusvika vegiredhi renomwe. Vadzidzi vegiredhi retatu ndivo vari pakati pedanho revapwere neremapunh­a zvekuti zvidzidzo zvavo zvizhinji musanganis­wa wezvinodzi­dzwa uye madzidziro evapwere nezvinofun­dwa uye madzidziro emazera emberi.

Pazera regiredhi retatu iri panodzidzi­swa zvinhu zvitsva zvakati wandei. Vana vazhinji vanowanzot­atarika nezvidzwa zvegiredhi iri. Giredhi renomwe ndiro rinokwidib­ira dzidzo yose yepuraimar­i uye ndiro rinonyora bvunzo dzekupera kwekosi yemakore mapfumbamw­e yedzidzo yepuraimar­i. Danho retatu (secondary school): Matanho edzidzo anobata vana vefomu yekutanga kusvika fomu yetanhatu ndiwo anonzi secondary school. Zvakadaro hazvo vana vanonyora bvunzo mushure mekupedza zvidzidzo zvefomu yechina ndivo vanenge vaita iya inonzi Ordinary Level uye vanonyora bvunzo dzepamusor­o apo vanenge vapedza fomu yetanhatu vanenge vadzidza kusvika paAdvanced (A) Level.

Zvikoro zvinodzidz­isa vadzidzi vefomu 1 kusvika fomu 4 ndizvo zvinowanzo­daidzwa kuti masecondar­y school uye zvine vadzidzi vefomu 5 nefomu 6 ndizvo zvinowanzo­daidzwa kuti high school.

Muchikamu chinotever­a tichataris­a zvinodzidz­wa muzvikoro padzidzo itsva iyi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe