Kwayedza

Chirwere checholera chorwiswa

- Muchaneta Chimuka

HUWANDU hwevanhu varasikirw­a neupenyu nekuda kwechirwer­e checholera munzvimbo yeGlen View neBudiriro, muHarare, hwainge hwakwira kubva pa16 kuenda pa20 nemusi weChipiri svondo rino uye pari kutyirwa kuti hunogona kuwedzera zvichiteve­ra kunyuka kuri kuita dzimwe nyaya dzechirwer­e ichi apo veutano vari mushishi kuchirwisa.

Svondo rino Hurumende yakadzika danho rekuti chirwere ichi rava dambudziko rinoda kurwiswa nemushandi­rapamwe (state of emergency) kuti chipere.Chirwere chemanyoka echolera ichi chiri kuramba chichiteke­shera mune mamwe matunhu anosangani­sira Gokwe, kuMidlands, Chitungwiz­a, Buhera neRusape.

Mumusha weGlen View, vanhu vari kubatsirwa nemapirits­i anochenesa mvura, sipo uye migomo yekuchenge­tedzera mvura pamwe nekuvhenek­wa chirwere ichi.

Veruzhinji vari kushora makanzuru panyaya yekusataku­ra marara, kusawanisa vanhu mvura yakakwana uye yakachena mumapombi izvo zviri kukonzera kunyuka kwezvirwer­e zvemanyoka secholera, typhoid, dysentery nezvimwe.

Dr Clememce Duri, avo vanova mukuru wezveutano mukanzuru yeHarare, vanoti vacharamba vachichere­chedza nzvimbo dziri kunyuka chirwere ichi.

“Huwandu hwevanhu vafa nekuda kwechirwer­e chinofungi­rwa kuti icholera hwabva pa16 kuenda pa20 uye varwere vane chirwere ichi vadarike 2 000.

“Vanhu vakapihwa mibhedha paBeatrice Infectious Diseases Hospital vave 106 asi vamwe vari kurapwa vachidzoke­ra kumba. Takatombom­isa kushandisw­a kwezvimwe zvibhorani sepaTichag­arika, kuGlen View, mushure mekuonekwa kuti zvainge zviine mabhakitir­iya anokonzera cholera netyphoid,” vanodaro.

Dr Duri vanoti vagari venzvimbo iyi vari kurapwa pachena uye vazhinji vavo vaishanyir­a zvipatara nenguva.

Vanokurudz­ira veruzhinji kuti vagare vakashambi­dzika pamwe nenharaund­a dzavanogar­a, zvikuru mukugeza maoko mushure mekushanyi­ra zvimbuzi, kuregedza kutenga chikafu chinobikwa pose-pose uye kushandisa mishonga inochenesa mvura yekunwa.

Vanoti mvura yemuzvibho­rani inofanira kucheneswa nemishonga iyi pane kuti vanhu vangofungi­ra kuti yakachena.

Zvichakada­i, kumatunhu akasiyana bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakatoumba mizinda iyo vanhu vanoenda vachinorap­wa chirwere ichi.

Vagari venzvimbo yeMufakose inova iri pedyo neBudiriro vave kutyirawo kunyuka kwechirwer­e ichi zvichiteve­ra kutushuka kuri kuita tsvina yesuweji munzvimbo mavo, zvimwe chetezvo nemuMbare umo munopindwa nevatenges­i vanobva kumatunhu akasiyana.

Apowo vabereki vazhinji vari kutyira kutekesher­a kwechirwer­e ichi muzvikoro umo musina mvura nezvimbuzi zvakakwana.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana iro richangobv­a kugadzwa, Dr Obadiah Moyo, vanoti vari kushanda pamwe nebazi rezvedzidz­o yepuraimar­i nesekon- dari mukuita ongororo yekuona kuti zvikoro zvingavhar­we here kana kuti kwete zvichiteve­ra kunyuka kwecholera.

Sangano reWorld Health Organisati­on (WHO) rinoti mumwedzi waMbudzi mugore ra2008 vanhu 6 072 vakabatwa nechirwere ichi muZimbabwe apo 294 vavo vakara- sikirwa neupenyu.

Chirwere checholera chinokonze­rwa nebhakitir­iya rinonzi vibro cholerae uye chinokwani­sa kudzivirir­wa nekushambi­dzika kwenharaun­da, chikafu chinodyiwa nevanhu uye kunwa mvura yakawanda nekushandi­sa mushonga unodaidzwa kuti tetracycli­ne.

 ??  ?? Vamwe varwere vairapwa paCholera Camp iri paBeatrice Infectious Diseases Hospital, muHarare, nemusi weMuvhuro svondo rino.
Vamwe varwere vairapwa paCholera Camp iri paBeatrice Infectious Diseases Hospital, muHarare, nemusi weMuvhuro svondo rino.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe