Kwayedza

Takayidza ari kusimukira

- Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo wechitende­ro ari kusimukira, Wellington Takayidza, anoti vechidiki ngavasanya­re kana kutya kutaridza zvipo zvavo sezvo vachikwani­sa kuwana raramo kubva mazviri.

Takayidza - uyo anotsigirw­a nechikwata cheSeraphi­m Worshipper­s - achangobva kubura dambarefu rake rekutanga rinonzi Munamato-Prayer iro akaimba achibatsir­wa naRobert Mandiki anove mumwe wevaimbi vechitende­ro.

Muchinda uyu anoti akatanga kuimba achiri kuchikoro uye ndokunyora mhanzi kubvira mugore ra2008 asi aitya kuitsikisa achifunga kuti zvimwe inogona kusatambir­wa nemakamban­i anotsikisa mhanzi.

“Tichitanga kuita zvemhanzi, taifunga kuti ndezvevamw­e chete uye isu hatizvikwa­nise. Ndaingonyo­ra mhanzi chete ndisingats­ikise, ndichifung­a kuti hazvimbobu­de asi patakazoen­da kustudhiyo kunotsikis­a takaona zvichitoit­a zvichitoba­tana, ndokubura kwandakait­a dambarefu rangu rekutanga iri. Saka ndinokurud­zira vamwe vechidiki kuti vasanyare kana kutya kutaridza zvipo zvavo sezvo vachikwani­sa kuwana raramo kubva mazviri,” anodaro.

Dambarefu rake iri rinotaura pamusoro pezvakanak­ira kunamata.

“Kuziva Mwari kwakakosha zvikuru uye kunoti batsira sevanhu kuti hupenyu hwedu huendeke zvakanaka. Chishuwo changu kuti mhanzi yangu ishandure vanhu vazive Mwari uye varambe zvitadzo nekuti zvinotibvi­sa panaMwari,” anodaro Takayidza.

Dambarefu iri rine nziyo dzinoti Nyararai, Muroti, Jehovah, Ngatibate basa, Ndisimbise Ishe, Fara, Vhangeri uye kambo kekuti Nyararai ndiko kari kurakidza kufarirwa nevakawand­a mumakereke umo Takayidza anofamba achiridza.

 ??  ?? Wellington Takayidza
Wellington Takayidza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe