Kwayedza

‘Vanotambur­a tarirai kunaMwari’

- Muchaneta Chimuka

MUIMBI wechidiki wemusambo weSungura ari kusimukira anoti zvakakosha kuti vanotambur­a vakadai senherera nechirikad­zi vaise tariro yavo kunaMwari sezvo ari iye anoziva matambudzi­ko avanenge vachisanga­na nawo mukurarama kwavo.

Dennis Nyakudya (31) wekuDombos­hava akataura mashoko aya svondo rapera mushure mekubura dambarefu rake retatu rinonzi Nyasha Dzenyu iro rine rine rwiyo rwumwe chete ruri pamusoro pevanhu vanotambur­a.

“Dambarefu iri nderetatu uye ratova mumisika saka ndinokurud­zira vateereri kuti vasapfuurw­e naro nekuti rinokombor­era zvikuru panyama nepamweya. Mudambaref­u iri - Nyasha Dzenyu - ndinenge ndichipa taririro kune vese vanonetsek­a vakadai sezvirema, mapofu, shirikadzi nenherera kuti Mwari anemi anoziva nhunha dzenyu nekuti dzinopedzw­a sei sezvo Mwari vaine nyasha nesu nekuti kana isu sevanhu venyama hatina simba pane zvese kunze kwaiye Mwari,” anodaro.

Nyakudya anoti anofara zvikuru nekuridzwa kuri kuitwa dambarefu rake iri panhepfeny­uro dzakasiyan­a.

“Ndinofara zvikuru nekuwanisw­a mikana yekuti ndinge ndichitaur­a nezvedamba­refu rangu panhepfeny­uro nekuridzwa kwariri kuitwa nekuti ndiyo bedzi nzira inoita kuti tinge tichizivik­anwa uye vateereri vanobva vaona hunyanzvi hwedu pachinzvim­bo chekuti tingowanik­wa tichitenge­sa mhanzi iyi mumigwagwa,” anodaro.

Zvisinei, muchinda uyu anochema-chemawo nenyaya yepairesi achiti iri kudzosera mabasa avo kumashure.

“Sevaimbi tine basa guru rekuimba, kutenga michina yekuridzis­a uye nenguva huru yatitonora tichigadzi­rira nezvimwe. Asi kune mbavha dzinongomi­ririra kuita mubikirwa webasa ratinenge taita vachibva variita ravo apo vanotenges­a vachiita mari yakawanda kupinda isu. Ndiko kusaka pamwe pacho muchiona isu vaimbi tichigumis­ira tava kupinda mumaguta tichiedza kuzvitenge­sera tega mabasa edu nekuti nhau dzepairesi dzanetsa,” anodaro.

Mugore ra2016, Nyakudya akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi Yambiro Yakanaka kuchizoti muna2017 akabura repiri - Hazvibvumi­rwi.

Nyakudya akaita zvidzidzo zvake zveO- Level paNyakudya Secondary School nepaParire­wa High kuDombosha­va kwakare.

Anoti chipo chekuimba chakatanga achiri mudiki kwazvo apo aiteerera vamwe vaimbi vemunharau­nda maanogara vakadai sevechikwa­ta cheDombosh­ava Giants chinotunga­mirirwa naGodknows Kembo.

Nyakudya ndiye anonyora pamwe nekubika nziyo dzechikwat­a chake uye dzimwe nhengo dzaanoimba nadzo dzinosanga­nisira Tamiranash­e Dube naHoward Pinjisi (backing vocals), Takesure Chari (lead guitar), Tapiwa Rupara (sub-rhythm), Howard Pinjisi (bass guitar) kuchizoti Wellington Machaya anoridza ngoma.

 ??  ?? Dennis Nyakudya
Dennis Nyakudya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe