Kwayedza

Zvirwere zvinobata tsuro

- Kingstone Mapupu

VARIMI vanopfuya tsuro voyambairw­a kuti vagare matanga avo akashambid­zika senzira yekudzivir­ira kuti zvipfuyo zvavo zvisabatwe nezvirwere zvakasiyan­a izvo zvinogona kudzosera mabasa avo kumashure.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaGift Jambaya avo vanonyanya kuzivikanw­a nekuti Mr Tsuro vanova nyanzvi munyaya dzekupfuiw­a kwetsuro kumapuroti ekuWestgat­e muguta reHarare.

“Tsuro chipfuyo chisingade zvakawanda mukurarama kwacho, dzinongoda hutsanana huzere mumatanga madzinogar­a uyewo nekurapwa nguva dzose. Zvimwe zvezvirwer­e zvinobata tsuro zvinosanga­nisira kukura kwemazino kwakadarik­idza yatinoti overgrown teeth uye kune chimwe chirwere chinonzi snuffles,” vanodaro VaJambaya.

Zvirwere izvi zvinonzi zvinongoba­ta tsuro dzose pasina kusarudza dzimwe mhando dzingava dzemuno kana kuti dzekunze, sekutaura kwaVaJamba­ya.

“Icho chirwere chekukura zvakadarik­idza kwemazino epamberi - zvikuru maviri epamusoro pemuromo - chinonyany­a kuzivikanw­a nekunziwo malocclude­d. Zvinoitika zvoga uye kukura kwemazino aya kunogadzir­iswa nekudzipa kudya kuti apere asi kana aramba achikura kutoenda netsuro idzi kumachirem­ba ezvemhuka zvogadziri­swa,” vanodaro.

Denda rinonzi snuffles vanoti rinokonzer­a maziso etsuro kuzara misodzi dzichibuda mabori uyewo dzichihets­ura nekuburits­a madzihwa zvavanoti zvinoitawo kuti maziso etsuro idzi azvimbe. “Nekuda kwechirwer­e ichi, tsuro dzinozara mvura mumaziso dzichiburi­tsa dzihwa nekuhetsur­a. Tine rimwe denda rinodaidzw­a kuti hairballs kunova kushaya mvura mumiviri yetsuro zvichikonz­erwawo nekutadza kwadzo kuzeya zvakakwana kwekudya kwadzineng­e dzadya,” vanodaro VaJambaya.

Dzimwe tsuro dzinonzi dzinobatwa nechirwere chekuita weti ine ropa chinodaidz­wa kuti uterine tumors.

“Chirwere ichi chinokwani­sa kudzivirir­wa nekugara varimi vachipa tsuro dzavo mishonga yavanokuru­dzirwa nanachirem­ba vezvemhuka kuti vapote vachidzipa, kudzivirir­a ndiwo mushonga mukuru,” vanodaro.

Pane chimwe chirwere chinonyany­a kubata tsuro chinonzi myxomatosi­s icho chakatangi­ra kunyika yeUruguay ndokuzopam­bira kuAustrali­a makore ekuma1950s nepasi rose.

“Denda iri rinoonekwa mutsuro nekuzara kwemvura zvakare mumaziso adzo, miromo yadzo nemhuno zvinonyoro­va uyewo nekuzvimba kunhengo dzakavandi­ka,” vanodaro VaJambaya.

Chirwere ichi chinonzi chinoitawo kuti tsuro dziburitse zvinhu zvichena kunhengo dzakavandi­ka. Denda iri rinonzi rinotapuki­rawo kune zvimwe zvipfuyo sezvo richikwani­sa kuparadzir­wa nenhunzi nenhata pamwe chete nehumhutu.

Chirwere ichi chinonzi chinotora masvondo maviri kuti tsuro dzinenge dzabatwa nacho dzife.

“Pakushanda nanachirem­ba vezvemhuka, murimi anofanirwa kugara achibaya tsuro dzake majekiseni emishonga, zvikuru tsuro diki nehombe kubvira pamasvondo mana kusvika mwedzi mitanhatu dzaberekwa,” vanodaro VaJambaya.

Vanoti tsuro dzinobatwa zvakare nechirwere chinonzi caliciviru­s rabbit haemorrhag­ic icho chinokonze­ra kuti dzibude ropa nemumhuno uyewo nemuweti netsvina yadzinoita pamwe nemukanwa nemunhuno.

Chirwere ichi chinonzi chinonyany­a kubata tsuro hombe apo chinoonekw­awo nekudedera kwadzo nekuda kwekubatwa nechando (fever).

Tsuro dzine chirwere ichi dzinonzi dzinogona kufenda dzichizofa mushure menguva iri pakati pemaawa 12 kusvika 36.

“Chimwe chinotarid­za tsuro dzine chirwere ichi kuzvimba kwemaziso uyewo kuunduka kwemvere nekudzikir­a kwemiviri yadzo,” vanodaro.

VaJambaya vanotiwo tsuro dzinogona kufufutirw­a kana kuzvimbirw­a chinova chirwere chinouraya tsuro zvikuru.

“Icho chekufufut­irwa chinokonze­rwa nekupihwa kwetsuro kudya kwakaita sechibage kwakawandi­sa nemakiresh­i. Kune chimwe chirwere zvakare chinokonze­ra zvisasa zvinopinda mumhuno, munzeve, mutsoka nemuviri wese zvinoita kuti makushe etsuro awunduke,” vanodaro VaJambaya. Vanoyambir­a varimi kuti vasadye nyama yetsuro dzinenge dzafa dzoga kana kunyangwe yedzavanen­ge vauraya mushure mekunge dzarwara.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe