Kwayedza

Ane nharo ngaauye: Khan

-

AMIR Khan anoti hapana chinhu chinomutad­zisa kurwa naManny Pacquiao pamwe naKell Brook futi mumwedzi 12 inotevera.

Khan akakwanisa kuzvidzora mumutambo wake naSamuel Vargas wekuColomb­ia svondo radarika ndokuhwina pazvibodzw­a, uye mutambo uchangoper­a Eddie Hearn anove puromota waBrook pamwe naKhan akataura kuti mutambo wevaviri ava unofanirwa kuitika izvezvi kana kuti hauchaitik­e zvachose.

Khan akaudza PA Sport kuti: “Ndine makore 31, ndichiri mudiki saka nguva ichiripo yekuti mitambo yese miviri iitike. Sei usiri kuitika? Ndinofunga kuti yese miviri mugore rimwe chete inotambika ikabudirir­a.

“Pacquiao ndiye wandiri kunyanyoda nekuti mukuru pasi rese munyaya dzetsiva uye zita rake rine mukurumbir­a. Saka kurwa nemunhu akaita saye chiremerer­a chikuru.

“Mutambo usingazivi­kanwe kuti unofamba sei uye vanhu vachafunga kuti ndinogona kukundwa naye, asi ndinoziva kuti ndinogona kumushamis­a.

“Mutambo waKell Brook, mutambo wandinoziv­a kuti ndinogona kuhwina zvangu ndakasunun­guka, ndicho chokwadi. Asi inyaya yekuti pakugadzir­a zita rangu ndina mazita andinoda kunzi ndinzi ndakakunda. Asi ndingade chaizvo Manny Pacquiao pana Kell Brook. Zita rake iguru chaizvo uye aya ndiwo maonero angu.”

Apo mutambo wake naBrook unenge ndiwo uri kudiwa nevatsigir­i vetsiva kuBritain, Khan anofunga kuti anogona kukurudzir­a Pacquiao kuti auye kuzorwa kunyika iyi asi hunge kana vakamupa zvaanenge achida kuti asimuke.

Akapedza makore matanhatu achishanda nemuFilipi­no uyu vachirairi­dzwa vese tsiva naFreddie Roach uye anoti kumuziva kwaanoita — sezvo vaimborwa mitambo yehushamwa­ri — zvinomubat­sira zvikuru. — SportsMail boxing

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe