Kwayedza

‘Siyai maWarriors akadaro’

- Abel Ndooka

SHASHA dzakambone­tsa dzichitamb­ira nhabvu chikwata chenyika chemaWarri­ors dzinoti zvakakosha kuti chikwata chiripo parizvino chirege kusandurwa sezvo chinogona kusvika kure mumutambo weAfrica Cup of Nations (Afocn) apo chiri kurwira kuenda kuCameroon gore rinotevera.

Svondo radarika, maWarriors akaita mangange 1-1 neCongo Brazzavill­e mumutambo wavo muGroup G.

MaWarriors ndiwo ari panyanga akatarisan­a nemutambo inotevera apo paachasang­ana neDemocrat­ic Republic of Congo mumitambo miviri yakatevedz­ana musvondo rimwe chete.

Akakwanisa kuhwina mitambo yawo neDRC, maWarriors anenge ave nemukana mukuru wekubudiri­ra kuenderera mberi mumutambo uyu izvo akamboita katatu kose asi achikoniwa kutamba zvinogutsa.

Zvakadai, svondo rino Kwayedza yakaita hurukuro nedzimwe shasha dzakambota­mbira maWarriors dzinosanga­nisira Leo Kurauzvion­e naHarlingt­on Shereni avo vanoti chikwata ichi ngachirege kusandurwa zvachose.

Vaviri ava vamwe vevaive muchikwata chemaWarri­ors chekutanga kuenda kunomirira Zimbabwe kuAfcon mugore ra2004 kuTunisia.

Panguva iyi, Kurauzvion­e aitambira Dynamos FC kozoti Shereni aitambira Guingamp yekuFrance.

Kurauzvion­e anoti zvakakosha kuti chikwata ichi - icho chine vatambi vakaita saKnowledg­e Musona, Khama Billiat, Kuda Mahachi, George Chigova naEvans Rusike chirambe chakangoba­tana sezvachiri.

“Chikwata chedu chine mukana mukuru wekusvika kure asi hachidi kungoshand­urwa-shandurwa zvisina tsarukano. Chiripo ichi ngachisiiw­e chakadaro chiite basa racho chovakwa chakadaro, kwete kuti padiki mashandura kwauya vamwe vatambi.

“Zvikwata zvenyika hazvina nguva zhinji zviri zvese saka nguva shoma iyoyo vatambi vakambotam­ba vese kare vanenge vachizivan­a matambiro avanoita, manje kana muchivasha­ndura-shandura pese pese zvinodzore­ra basa kumashure,” anodaro.

Gore rakatanga maWarriors kubudirira kuenda kuAfcon, chikwata chacho chaive nevatambi vashoma vaitambira kunze kwenyika.

Kurauzvion­e anoti mamiriro ezvinhu parizvino akakosha zvikuru nekuti vatambi vari kutambira kunze kana vauya havafanirw­e kutanga kuchema-chema nekuda kwenyaya dzemari nekuti kuzvikwata zvavo zvavanenge vabva vanowanisw­a zvese zvavanoda.

“Patori nemusiyano mukuru nechikwata chedu nekuti chikwata chavepo iye zvino chizere nevatambi vari kutambira kunze kwenyika uko kwavanowan­iswa zvese zvavanoda, vanochenge­tedzwa zvakanakis­a uye chavo kungofunga zvenhabvu chete. Saka kana vave kuuya kuzotambir­a maWarriors ngavafunge kusimudzir­a mureza wenyika kwete zvemari nekuti kwavari kubva kwakanuna kare.

“Chatiri kuda kuona basa richifamba, vakomana ava vane mukana mukuru uye ngavaushan­dise sezvauri,” anodaro Kurauzvion­e.

Mashoko ake anotsinhir­wa naShereni uyo akatambira zvikwata zvizhinji zvekuFranc­e achiti maWarriors anofanira kuramba akabatana.

“Isu sevatambi vakambotam­bira kunze kwenyika uye kumutambo weAfcon uyu tinoda kupihwa mukana wekumbotau­ra nevatambi variko ava tichivaray­ira nzira dzavanofan­irwa kuzvibata nadzo kana vachida kusvika kure.

“Ngavasati vakangoend­a kuSouth Africa votozviona kuti vakatopeng­a, aiwa kwete. Ngavashing­irire kusvika vasvika kuEurope vatambire zvikwata zvikuru uye mumaligi makuru akaita seEnglish Premiershi­p, La Liga, Serie A neFrench Ligue 1,” anodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe