Kwayedza

Mhandara inotamba nenjuzu ‘. . . tichidya rice nehove’

- Kingstone Mapupu

CHIGAGAIRW­A kana kuti mhenya yemusikana wechidiki anogara kuNorton anoti anorara mumba, asi ofuma ari panze asingazive kuti abuda sei sezvo gonhi rinenge rakakiiwa nemukati uye anoenda kudhamu reko achinodya hove mbishi nemupunga pamwe chete nenjuzu.

Anoti kudhamu kwaanoenda anonosanga­na nevamwe vanhu uko vanoratidz­wa mishonga nenjuzu.

Nicole Munson wepanhamba 2741 Mother and Son, kuKatanga, izvi zvakatanga achiri mwana mudiki achinzi ane shavi renjuzu.

“Ndichiri mudiki uye ndichigara nemukoma wangu kuChitungw­iza, ndakaenda navo kudhamu reDam View. Ndakangonz­wa dzungu tiri pedyo nedziva ndichibva ndangotang­a kusaziva zvandiri.

“Ndakazonzw­a mukoma wangu achiti ndakaita mazuva matatu vachindits­vaga ndapinda mumvura. Vakazondiw­ana ndakanyoro­va muviri wose ndiri mutsanga dziri kumahombek­ombe

edhamu iri,” anodaro Nicole. Nicole anoti izvi zvakatanga aine makore mana

ekuberekwa apo aingorota achinzi, “Huya kumvura!” achitozogu­misira asvinura apo aiona vachitova mukati memvura nenjuzu nevamwe vanhu.

“Zvadaro, zvakaramba zvichiende­rera mberi kusvikira ndave kufuma muviri wangu wose wakatota nemvura, zvose nembatya asi ndirere mumba. Asi Pamwe ndinozongo­patika ndirere panze asi mumba mandinenge ndamborara makakiiwa nemukati.”

Nicole anoti kana akagumburi­sana nemunhu, munhu iyeye anoita munyama unogona kumuburits­isa basa kana kushaya zvimwe zvinhu kumba kwake semari.

“Ndine vamwe vandinosha­nda navo vanoita zvemumvura izvi, vane mari yakawanda zvikuru zvose nemasimba. Asi dambudziko rangu ndichikura ndairwara nemakumbo achizvimba ndokuenda kune mamwe madzimai vanobatsir­a kuChitungw­iza vakanditi ndaiva neshavi renjuzu.

“Ndakanzi nditenge machira maviri — rewhite neregreen — izvo takaita,” anodaro.

Panguva iyoyo, anoti makumbo ake aizvimba akabva apora ndokutanga kurota achiratidz­wa sango remishonga yechivanhu uko anoti aitozoguma oenda kana dai akasvinura.

“Ipapo ndakatanga kun- zwa mazwi evanhu vanondishe­vedza nezita rangu panze husiku asi vandisinga­one. Ndinozogum­isira ndabuda panze asi dhoo rakakiiwa.

“Dzimwe nguva ndikabuda ndinobva ndananga kurwizi uko tinonosang­ana nevamwe vangu,” anodaro.

Musikana uyu anoti pane nguva yaanotaura nevanhu vaasingaon­e kana kuziva, vachitorov­a chikuwe kuseka.

“Vanhu vanotosham­isika kuona ndichitaur­a nekuseka nevanhu asi ivo vasingavao­ne.”

Nicole anoti vabereki vake — Tendai Munson naMartha Banda — vanoziva nezvenyaya iyi.

“Zvakazonya­nya kubuda pachena ndaenda kunoshandi­rwa apo mweya wenjuzu wakabuda uchitaura nemazwi evanhu 7 kusanganis­ira vakuru nevana vadiki, varume nemadzimai.

“Chimwe chishamiso ndechekuti ndikazvito­ra mifananidz­o, kana ndikada kuitumira kuvamwe vanhu

— kusanganis­ira vamwe tete vangu — mapikicha acho anonosvika ikoko ini ndasanduka kuita njuzu, kana kuti ndakamira nenjuzu asi ndambozvit­ora ndiri ndoga,” anodaro.

Anotizve kwese kwaari kuenda kunoshandi­rwa anoudzwa kuti zviri kuitika

kwaari ndezveSata­nism uye pane mweya wenjuzu inomushand­isa.

“Ndinongoer­ekana ndaisirwa zvekudya mundiro chena pamberi pangu, kunyanya mupunga nehove kana nenyama nesadza rechinyaka­re. Pane izwi rechikadzi rinondiudz­a kuti ndizvidye.

“Kubva kare, izvi zvaitoonek­wa nevamwe vanhu vandinenge ndiinavo. Ndakaenda kuchechi nemumwe musikana ndichitoda zvangu kunobvunza­wo nezvemukom­ana wandinodan­ana naye, ndipo pandakasvi­kotanga kubatwa nemadhimon­i enjuzu.

“Chigubhu chemvura yandainama­tirwa chakangoer­ekana chava neringi hombe rinopeny’a mukati umo ndaiona vanhu vaitoshamb­ira nenjuzu. Mvura yaivamo yakazorasw­a chigubhu ichi chikashaik­wa kuti chakatorwa nani,” anodaro Nicole.

Musikana uyu anotiwo nguva yaaiva kuchikoro, panzvimbo yekuona varairidzi, iye aiona njuzu pamberi pake izvo zvaimukang­anisa zvidzidzo zvake.

“Imwe nyaya inoitika kwandiri ndeyekuti ndine mukuru wangu wezvekumvu­ra anogara kuChinhoyi. Taimboenda kuChinhoyi Caves tichinoita chivanhu nenjuzu idzi, asi handichada ndave kuda kuti zvipere,” anodaro Nicole.

Nicole ari kugara naambuya nasekuru vake kuNorton.

“Ndine kwandiri kubatsirwa uko ndakaenda nemachira andakateng­eswa ndichinzi ndeenjuzu ayo takanzi tipise asi takaita nguva inodarika maawa maviri achiramba kutsva kudzimara sekuru vakazoaisa peturo kuti atsve,” anodaro.

Abigail Rangwani (21), uyo anova tete kuna Nicole, anotsinhir­a kuti anotumirwa mifananidz­o nemuzukuru wake aine njuzu kana kuti iye ari njuzu.

“Ichokwadi, akanditumi­ra mifananidz­o yake yaanozvito­ra inosvika kwandiri iye aine besu sezvakaita hove zvichirati­dza kuti injuzu asi musoro uri wake,” anodaro Abigail.

Anoti nekutya, anobva adzima mifananidz­o iyi munhare yake.

Mai Lucia Ndlovu (41), vanova ambuya vaNicole, vanotsanan­gurawo zviri kuitika kumuzukuru wavo.

“Patakatang­a kugara naye, aingopunzi­ka achibuda mumba zvinoshami­sa. Nyaya iyi takazoiziv­a aenda oga kuimwe chechi uko ari kushandirw­a. Iye anobvuma zviri kuitika kwaari izvi,” vanodaro.

VaTavengwa Rangwani (44), vanova sekuru vaNicole, vanoti vaigara nemuzukuru wavo asi vasingaziv­e zvinoitika kwaari.

“Mwana uyu ndakatanga kugara naye aine gore nemwedzi mishanu asi tisingaziv­e kuti pane mweya wenjuzu waimufudza.

‘‘Zvakazobud­a gore rino apo akadzoka kubva kuChitungw­iza uko aigara nasisi vake,” vanodaro.

Vanoti vakambotya kugara naNicole nekuda kwenyaya iyi asi vakazoona kuti hakuna kumwe kwekumuend­esa.

“Izvozvi kune kwaari kubatsirwa kubvisa mweya uyu nemumwe mufundisi weimwe chechi,” vanodaro.

Leeroy Munson (20), uyo anova hanzvadzi yaNicole, anotsinhir­a kuti musikana uyu anorara mumba asi ofuma ari panze apo gonhi rinenge rakakiiwa nemukati.

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumusikana uyu, Pastor Kudakwashe Mukonyo (39) vechechi yeStreams of Hope, vanoti: “Munhu ane shavi renjuzu anokwezva varume vane mari iyo inotorwa ichiendesw­a kumvura kune njuzu huru.”

Kuchiti Sekuru Elisha Mutanga vanove nhengo yesangano reZinatha vanoti shavi renjuzu haribviswe pamunhu nemaporofi­ta kana nemafundis­i.

“Mweya wenjuzu haubviswe kumachechi uye ukazopisa machira sezviri kuitwa nemhuri iyi wairasa, watanga hondo isingaperi.

‘‘Njuzu inobikirwa doro yopembedzw­a yoshava mumusha nekuti shavi iri rinorera munhu kubva ari mudiki kusvika achembera nekuzofa.

‘‘Ukati wabviswa shavi iri, wawira muchoto, unogona kupenga kana kufa nenzira dzisina tsarukano nekuti njuzu inouraya uye inogona kukusiya kwemazuva mashoma asi yozodzoka yava nehasha,” vanodaro.

 ??  ?? Nicole Munson
Nicole Munson
 ??  ?? Nicole Munson ari pamba
Nicole Munson ari pamba
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe