Kwayedza

Gudo ‘mubedroom’

Rakarova musikana webasa . . . ndokuramba kubudamo

- Munyori weKwayedza

MHURI igere mumusha weLobengul­a Extension, kuBulawayo, svondo rapera yakaita bararamhan­ya ichitsvaga pekuhwanda apo gudo rakangoere­kana ravapindir­a mumba mavo nechisimba, ndokunanga kuimba yekurana (bedroom) umo rakasvikot­anga kubvujunur­a zvinhu zvaivemo richibva razozvivha­rimo.

Risati rapinda mumba umu nechisimba, gudo iri rinonzi rakatanga ratora bhurumu raishandis­wa nemusikana webasa wepamba apa uyo aikorobha akabereka mwana kumusana.

Rinonzi rakarova musikana uyu nebhurumu iri kumeso apo akaedza kurirambid­za kupinda mumba.

Akatozobat­sirwa nekubongom­ora mhere kuti asarambe achirohwa apo akanunurwa nechikwata chevamwe varume vaidarika.

Zvinonzi gudo iri rakatanga kuonekwa kunzvimbo yemaindasi­tiri yeKelvin North apo rakadzinga­niswa nevamwe vagari veko kusvikira razo- svika pamba apa.

Pakasvika vatori venhau pamba apa, mhomho yevanhu yainge yaungana ichida kuona mashura patawindi aya.

Chiitiko ichi chakaita kuti pave nemitauro yakawanda-wanda, vamwe vachiti zvichida igudo revaroyi.

Vashandi vekubazi rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwemhuka, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, vakave nenguva yakaoma apo vakaedza kubvisa gudo iri mumba marakange razvivhari­ra.

Vakatozoit­a zvekuribay­a jekeseni vachiitira kuti ridzikame uye risaparadz­e mid- ziyo ndokuzorib­ata.

 ??  ?? Mhomho yevanhu vakaungana paimwe imba kuLobengul­a Extension vachida kuona gudo raive razvivhari­ra mumba
Mhomho yevanhu vakaungana paimwe imba kuLobengul­a Extension vachida kuona gudo raive razvivhari­ra mumba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe