Kwayedza

Moto wemapipi wadzokazve

- Kingstone Mapupu

MHURI yekwaMaran­ge

— iyo yange yapedza mwedzi mina ichigara musango nekuda kwedambudz­iko remoto unongotang­a woga uyo unonzi wakazombom­ira mushure mekubatsir­wa neimwe n’anga — inoti moto uyu watanga zvakare.

Moto wemapipi uyu unonzi wakatanga zvakare nemusi weChipiri chadarika ndokupisa dzimwe dzimba dzakange dzapfirirw­a patsva mushure mekunge dzambotsva. Dzimba dziri kutsva nemoto uyu ndedza VaTsanangu­rai Matope (41) avo vanogara mubhuku raMawoko.

Moto uyu uri kuparadza zvakawanda pamusha uyu, kusanganis­ira midziyo yose nematura ekuchenget­era zvirimwa. Nguva pfupi yadarika, mumwe wemhuri iyi, Nobert Matope (18), akatotsva paruoko nepagumbo apo aiedza kudzimura moto wemasaramu­si uyu.

Zvisinei, mumwe wemhuri iyi akaridzira nhare Kwayedza svondo rapera achiti moto uyu wainge watanga zvakare.

“Nhasi (Chipiri chadarika) kwatsva dzimwe dzimba ina, dzose dzaparara. Asi vanababa havachada kuti murambe muchiuya kuzotora nhau kuno nekuti vari kuti hapana rubatsiro rwatiri kuwana kubva pakubuda kwenhau idzi,” anodaro.

VaTsanangu­rai Matope pavakaridz­irwa nhare neKwayedza, vanotsinhi­ra kuti moto uyu wakatanga zvakare ukapisa dzimba ina dzaiva dzapfirirw­a patsva.

“Hatichaziv­a zvekuita nemoto uyu, wakadzoka ukapisa dzimba dzose. Tashaya anotibatsi­ra,” vanodaro. Imwe nyanzvi yezvechiva­nhu, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba, vanoti dambudziko remoto rakatarisa­na nemhuri iyi rinozivika­nwa nekunzi tsandukwa iyo inove mishonga inosanduka kuita moto, mhuka kana zvimwe zvinhu

 ??  ?? Imba ichitsva nemoto wemasaramu­si nguva pfupi yadarika
Imba ichitsva nemoto wemasaramu­si nguva pfupi yadarika

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe