Kwayedza

O-LEVEL — RUKUVHUTE

Hondo yeChimuren­ga

- Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinoendere­ra mberi nemubvunzo watakatang­a svondo rapera unoti; Sarudza nhetembo dzinobuda muna Rukuvhute dzinoburit­sa dingindira rezvematon­gerwo enyika/hondo yeChimuren­ga.

Zvino takaongoro­ra nhetembo mbiri dzinoti; Ndipo patakamuvi­ga pano naPakamung­oma.

Pari zvino tichatanga nekupedzis­a ongororo yaPakamung­oma yakaperera panzira svondo rapera.

Chinangwa chekuti magamba ange achiimbirw­a munguva yehondo chaive chekuti vanzwe manyawi ekuenderer­a mberi nehondo sepanonzi, “Taiimbirak­a edu maombo, kupa varwi vedu simba rechipembe­re.”

Kuimba nziyo munguva yehondo kwaive kuti midzimu yevanhu vatema ipe ushingi kuvarwi vehondo yerusunung­uko sepanonzi, “Taiimbirak­a yedu midzimu kuti itipe ushingi hwemvumba.”

Nyanduri anoti pavaive paKamungom­a vakanga vakavarair­wa ndokuzongo­nzwa patokandwa zvinonhuwa sepaanoti, “Zvakazongo­uya sechiroto wanei denga rangova gutukutu.”

PaKamungom­a pakafira magamba akawandisa zvikuru sepanonzi, “Ropa rakaita bvacha-pfacha kuerera rwenge Dewure.” Nyanduri anoti papungwe yaiita paKamungom­a pane vanhu vakawanda vakafira kusunungur­a nyika yeZimbabwe sepanonzi, “PaKamungom­a, papungwe, vakaifira nyika yababa.”

Munhetembo yakanzi Hadzisi nhema nyanduri anoburitsa nyaya yezvematon­gerwo enyika yaiitika muhurumend­e yevapambev­hu.

Anoti vanhu vaifamba vasina kunyatsosu­nunguka sepaanoti, “Ndaifamba ndakauna semukuwash­a patezvara uku nguwani ndakatyore­ra muhapwa semunyai.

Munhetembo iyi munobuda pfungwa yekuti vanhu vatema vaisapihwa ruremekedz­o nevachena sepanonzi, “Sekuru vako ndaive imbwa yemumwe murume mudiki pandiri pazera aindidaidz­a achiti boy.”

Muhurumend­e yevachena vanhu vatema vaibatirir­wa zvikuru kuburikidz­a nekubhadha­riswa mutero wekuchenge­ta imbwa sepanzi, “Mumaoko ndakabata chumi yemutero weimbwa.”

Tinopedzis­a mhinduro yemubvunzo wesvondo rino resvondo rinotevera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe