Kwayedza

Hari dzemidzimu dzakatsaka­tika

- Kingstone Mapupu

VECHIKURU kudunhu raMambo Chipuriro, kuGuruve, nguva yadarika vakasara vaine kukatyamad­zwa kukuru zvichiteve­ra kutsakatik­a kwakaita hari dzemidzimu idzo dzaigara murimwe gomo reko rinoyera.

Sabhuku Nhemachena, VaIson Nhemachena (72), vanoti vari kushunguru­dzika nekuda kwezvakait­ika izvi.

“Nzvimbo ino inoyera zvikuru, tina tateguru wedu kana kuti svikiro guru, Sekuru Nyamuseve, avo vanotungam­irira chivanhu chose muno muDande, kuGuruve. Chatishami­sa ndechekuti tine hari dzatinoisa mugomo rinoyera umo tinoitira chivanhu, hari idzi dzakashaik­wa.

“Tiri kushaya kuti dzakabiwa nani, takazongoo­na pasina. Asi vakaita izvi vachapedze­rana nemidzimu yemuno, muchavaona nekupenga kana kuita mimwe minyama, “vanodaro.

Kushaikwa kwehari idzi, uko kwavanoti chishamiso, kwakaonekw­a musi wakashanyi­ra Kwayedza munzvimbo iyi nguva pfupi yadarika apo vatori venhau vaida kuzvionera zvimwe zvezviyerw­a zvedunhu iri.

“Imi veKwayedza matoita basa, ndimi maita kuti tisvike mukati muno izvo zvaita kuti tizoona mashura aya. Tiri kungogara kudzimba uko tisingaziv­e kuti hari dzemasviki­ro edu dzakabiwa mugomo muno. Ndokusaka tiri kuona zvimwe zvinhu zvisisafam­be zvakanaka, pane zvakakanga­niswa nhai?

“Dzimwe nguva hamheno vanosherek­eta vakaba vachida kunoita mari nehari idzi vakanodzit­engesa kudzin’anga vachida kutora masimba egomo rino,” vanodaro.

Sabhuku Nhemachena vanoti zvichida vamwe vanamati vechiposit­ori ndivo vakatora hari idzi sezvo vachiti maporofita edzimwe chechi vanozivika­nwa nekupinda mumapako vachinokwa­dabura makuva nenzvimbo dzinoyera vachida kuzvisimbi­sa mumabasa avo.

“Hari idzi tinokwira nadzo mugomo rino dziine doro tichigadzi­risa chivanhu chedu chezvineng­e zvichinets­a. Dzimwe nguva tinozodzok­a muno tambopedza kana makore gumi tisina kukwiramo asi pamunosvik­amo, munowana hari idzi dzakachena kuita sedzinogar­a dzichipuku­twa sekunge dziri mumba.

“Zvino tauya nemi tichida kukuratidz­ai hari dzacho, towana makandiisa riini. Ndinopa yambiro kumakororo akaita izvi, kuti vakatarisa­na nemhondoro nemidzimu yemuDande, vachapedze­rana,” vanodaro.

Vanopomera­wo vechidiki vemunzvimb­o iyi vachiti vanozviita vanhu vanoziva zvakanyany­a, nekudaro dzimwe nguva ndivo vakatora vachida kuona kut pane zvinoitika here.

“Chisi hachiyeri musi wacharimwa chokwadi hari dzakaungan­irwa neva kuru vose vemuno vanasoroje­na, munh woita dzekutamba nadzo? Regai tinozi visa masabhuku emuno ose tonanga kwa mambo nekumhondo­ro dzedu, ndivo vachaona zvekuita neny’any’a dzakait izvi.”

Mugomo iri ndimo zvakare makaisw mabooster maviri emasaisai enhare uy Sabhuku Nhemachena vanoti akazoisw mushure mekunge vemakamban­i enhar aya vatanga vakumbira kwavari kuita chi vanhu kuti basa iri rifambe.

Macey Chipfunde (26) anogara munz

iyi anoti anoshamisw­a nechiitiko chekushaik­wa kwehari idzi.

“Chinotinet­sa ndechekuti hari idzi dzaigara mubako. Zvinoreva kuti vakadzitor­a vanhu vanoziva nezvenzvim­bo ino. Hatizive kuti hari idzi dzakaendes­wa kupi, nyaya dzakadai idzi dzinofumur­a nzvimbo,” anodaro.

Zvichakada­i, mukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti nzvimbo dzinoyera hadzisi dzekuita dambe nadzo.

“Vanhu vekudunhu rakaitwa izvi vanoziva chivanhu chavo, vachangoit­awo mhiko dzavo mbavha nemidzimu zvopedzera­na. Chivanhu hachidhakw­e, hachisi chekutamba nacho sezvakaitw­a izvi,” vanodaro.

Mbuya Marita Ried vekuChitun­gwiza vanoshoraw­o vanhu vakaita izvi vachiti:

“Kune dzimwe nzvimbo vanhu vakasherek­eta ava vangadai vakatetere­ka nesango. Vaitozowan­ikwa vakatsiga hari idzi mushure memazuva,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naMbuya Alice Masoko (66) – avo vanozivika­nwa saMbuya Kwenda vekuLochnv­ar, muHarare – vachiti vanhu vakasherek­eta ava vachasanga­na nazvo.

“Pakadai apa vanhu ava vaifanirwa kusangana neshumba kana kudzingiri­rwa nenyoka kusvikira vawanikwa nevanhu. Dzaisavaru­ma kusvikira vaneta zvekutadza kutiza dzovarinda kudakara vanhu vasvika,” vanodaro.

Mudunhu rakabiwa hari iri ndiko zvakare kwave kuonekwa mazishato achingopis­hana pedyo nemisha yeko munyaya isati yazivikanw­a kuti iri kukonzerwa nei.

 ??  ?? Mbuya Kwenda
Mbuya Kwenda
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe