Kwayedza

Msasa Industrial Training College

‘Tiri kusimudzir­a vanhukadzi’

- Lizzy Mushoriwa

KOREJI yemabasa emawoko, yeMsasa Industrial Training College, iyo iri muHarare iri kusimudzir­a vanhukadzi kuburikidz­a nekuvadzid­zisa mabasa ayo kare aisinzi anoitwa nevanhurum­e chete.

Mukuru wekoreji iyi, Muzvare Ringisai Chinamasa, vanoti vane shuviro yekuti vanhukadzi vakawanda vadzidze mabasa anonzi ndeevanhur­ume.

“Tiri kudzidzisa vanhukadzi kuita makosi ayo anonzi ndeevarume nekuti iye zvino zvinhu zvasanduka, hakuchina basa rinonzi nderevarum­e kana kuti nderevakad­zi. Munhu wose ava kungoita chero basa, saka tinokurudz­ira vanhukadzi kuti vauye vadzidze makosi aya kuitira kusimudzir­a nyika yedu,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Makosi atinawo pano anosangani­sira Automotive Engineerin­g, Mechanical Engineerin­g, Constructi­on Engineerin­g neElectric­al and Power Engineerin­g ayo aiwanzoitw­a nevanhurum­e asi atava kupawo kuvanhukad­zi mukana wekumaita.”

Vanoti zvinofadza kuona vanhukadzi vakawanda vachinoita makosi aya.

“Tinofara chaizvo nekuti tiri kuona vanhukadzi vachizodzi­dza makosi aya, tiri kuita macareer guidance nemaoutrea­ch programmes kuedza kuvakwezva uye vari kuuya chaizvo. Zvakare tine vadzidzisi vanove vanhukadzi pano,” vanodaro Muzvare Chinamasa.

Mukuru wezvidzidz­o zveEnginee­ring pakoreji iyi, VaWebster Tunduwani, vanoti vari kufadzwa nekuuya kuri kuita vanhukadzi kuzoita zvidzidzo izvi.

“Ndiri kufara chaizvo nekuti vadzidzi vedu vechikadzi vari kuwanda. Kare taiva tisina kana chimbuzi chevanhuka­dzi asi iye zvino tava nacho nekuti vari kudzidza pano vawanda chaizvo. Asi tichiri kuda vamwe saka tinoti huyai mudzidze hapana chekumirir­a apa,” vanodaro VaTunduwan­i.

Mumwe wevanhukad­zi vari kudzidza paMsasa ITC, Patience Kasichi, anoti akagara aine chishuviro chekudzidz­a Motor Mechanics.

“Ini chaiva chishuviro changu kubva ndichikura chekugadzi­ra motokari saka ndakuuya pano pandiri kudzida Motor Mechanics Class 1 uye ndava kutopedza kosi yangu.

“Ndinoti kune vamwe vakadzi vari kutyira kure, huyai mudzidze hapana chinotyisa apa, zvinoitwa nevanhurum­e isu tinozviita­wo. Muk atari samuk ira sim an gum akaz ar avanhu rum ea si hand i ty is we,n dino to kwikwi dz awo,”a no dar oK a sic hi.

 ??  ?? Vamwe vadzidzi vepaMsasa Industrial Training College vachiita zvidzidzo zvavo zvekugadzi­ra mushini
Vamwe vadzidzi vepaMsasa Industrial Training College vachiita zvidzidzo zvavo zvekugadzi­ra mushini
 ??  ?? Albert Chinyenget­ero naLee Gandi vachishand­isa grinding machine
Albert Chinyenget­ero naLee Gandi vachishand­isa grinding machine
 ??  ?? Muzvare Ringisai Chinamasa
Muzvare Ringisai Chinamasa
 ??  ?? Patience Kasichi achigadzir­a mota
Patience Kasichi achigadzir­a mota

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe