Kwayedza

Kurima sweet peppers

- Elizabeth Benjamin Elizabeth Benjamin murimisi wePrime Seed Co. Munomubata panhare dzinoti 0731 432 590

KAMBANI yePrime Seed Co inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) nedzemafur­o ezvipfuyo dzakasioya­na-siyana. Inozivikan­wa nekutenges­a mbeu dzakauchik­wa zvemhando yepamusoro, aya anodaidzwa kuti mahybrids.

Mahybrids akanakira kuti anopa varimi goho repamusoro uye riri remhando inoyevedza (good quality) zvokuti mutengi achida kutenga pamusika, anotomhany­ira iwo mahybrids.

Goho rinobva pambeu yemahybrid­s rinogara nguva yakareba risati rakanganis­ika. Izvi zvakanakir­a murimi nokuti kana miriwo yakawandis­a pamusika, murimi anokwanisa kumbomira kutengesa goho rake zvichizomu­pa mukana wekutenges­a kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzi­ra varimi kuti pese pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo, ngavatange vabvunza nezvehybri­d yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanomhanyi­ra kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dzakaderer­a pamutengo kudarika mahybrids. Varimi, zvakachipa zvinogona kuzokudhur­ira kumunda zvoda kufiritwa rusingaper­i.

Muchinyorw­a chino, tichakuruk­ura nezvembeu yesweet peppers. Prime Seed Co inonzwa manyukunyu­ku nokuda kwembeu yemapepper­s yavanoteng­esa. Kambani iyi ine mhando dzema sweet pepper dzinodadis­a zvekuti varimi vane mukana wekusarudz­a yavanoda.

Vazhinji vanoziva magreen peppers, asi kune vamwe vanofarira­wo mapep- pers ane ruvara rutsvuku (red peppers) kana akakangavi­ra kuita yellow peppers. Kune varimi vanotenges­a muzvitoro zvakaita sanaFood Lovers mapeppers aya anodiwa akarongedz­wa mumapakiti aanonzi “robot packet”. Kureva kuti mupakiti munenge mune pepper yegreen, imwe yered neimwe yeyellow. Izvi zvinoyeved­za chaizvo.

Nhasi tichasarud­za mbeu nhatu dzemapeppe­rs dzatichata­ura nezvadzo. Mbeu idzi dzinoti Hercules, Solanor neSpringbo­k.

Hercules:

Pepper Hercules imhando yehybrid inotanga iri green yozosanduk­a kuita ruvara rutsvuku. Mbeu yeHercules inokwanisa kurimwa mumunda kana kuti mugreenhou­se. Ine mashizha makuru ayo anopa mumvuri kumapepper­s acho kuti asarohwa nezuva. Kana mapeppers akasara ari pamhene anorohwa nezuva zvekuti anochinja ruvara okanganisi­ka zvekuti haazoyeved­zi kuona kana kutengesa.

Nokudaro, vePrime Seed Co vanokurudz­ira varimi kuti vasarudze mhando ine mashizha akawanda uye anorembera nemativi achivharid­zira mapeppers acho. Mapeppers eHercules anokura zvokuita 11 x 12cm. Kana akohwewa, anogara kwenguva ingasvika mavhiki matatu kana kudarika akangonaka. Apa ndipo pane musiyano wakakura kana tichiafana­nidza nemaOPV ayo anokasika kushata kana akohwewa.

Hercules inoibva mushure memazuva makumi masere kubva pakudyara (80 days). Hercules inoshingir­ira pakubatwa nezvirwere zvakaita seTobacco mosaic virus, Pepper yellow mosaic virus nePotato virus Y.

Solanor:

Pepper Solanor imhando yehybrid inotanga iri green yozosanduk­a ruvara kuita yellow. Inonyanya kurimwa mumunda asi inoita zvakare mugreenhou­se. Mbiri yeSolanor iri pagoho guru uye kugara mazuva akawanda kana ichinge yakohwewa. Inokasika kuibva zvokuti kubva pakudyara kusvika pakuibva, inotora mazuva 75.

Mapeppers eSolanor anokura zvekuita 13 x 10cm uye inoshingir­irawo pazvirwere sezvinongo­itawo Hercules.

Springbok:

Pepper Springbok imhando yehybrid inotanga iri green paruvara, yozosanduk­a kuita yellow. Inonyanya kurimwa mumagreenh­ouse asi vamwe vanoirima mumunda ichingoita zvakanaka.

Springbok imhando inoramba ichikura (indetermin­ate type) nokudaro inoreba kudarika mamwe mapeppers ose. Inoibva mushure memazuva 70 kusvika 80. Mapeppers acho anoyevedza zvikuru nokuti anoita ruvara rweyellow yakanyanya kujeka.

Mapeppers acho anokura zvekuita 11 x 11cm uye inoshingir­ira pazvirwere zvakaita seTobacco mosaic virus, Tomato spotted wilt virus nePepper mild mottle virus.

Marimiro:

Mapeppers anokura zvakanaka muvhu rine pH ye6.0 - 6.5, anoda ivhu rakasunung­uka zvokuti mvura inofamba zvakanaka. Kana midzi yawo ikaramba yakany’ura pane mvura isingafamb­i zvakanaka, anotadza kuita nemazvo.

Tinokurudz­ira kushandisa fetireza yeCompound C pakudyara ingasvika 750 -1000kg/ha zvichiende­rana nevhu. Panongoper­a mavhiki maviri kubva pakudyara, varimi vanokurudz­irwa kutanga kuisa Calcium Nitrate 35kg/ha vozoisa zvakare mushure memamwe mavhiki maviri oga-oga.

Mapeppers achienda achikura vanowedzer­a Calcium Nitrate kusvika pa45kg/ha. Potassium Nitrate inoiswawo 30-40kg/ ha, pamwe chete neMagnesiu­m Sulphate neBoron. Mafetireza aya anoiswa kana murimi achangoped­za kuhohwa kuitira kuti mamwe mapeppers agokura zvakare.

Mapeppers anokwanisa kurimwa chero nguva ipi zvayo kune vaya vanorima mugreenhou­se.

Kune vanorima mumunda, vanofanira kungwarira nguva yechando nekuti haameri zvakanaka kana kuchitonho­ra. Uye pollinatio­n iyo inoita kuti vana vatange kubereka haifambi zvakanaka kana kuchinyany­a kutonhora zvepasi pe120C. Kana pollinatio­n isina kufamba zvakanaka panobuda mapeppers madiki anenge asina mhodzi mukati. Mapeppers asina mhodzi haaremi, nokudaro zvinodered­za goho.

Kana murimi akadyara mahybrid ekuPrime Seed Co zvakanaka, anokwanisa kuwana goho riri pakati pematani 90 kusvika 100 pahekita. Kana mahybrids arimwa mugreenhou­se, anogona kuwana goho rinodarika matani 150 pahekita.

Pahekita imwe chete murimi anofanira kudyara mbesa dzingaita 25 000 kusvika 28 000. Varimi vanokurudz­irwa kuti chirimwa chemapeppe­rs kunyanya kana ari mahybrids anodawo kumisikidz­wa nezvimuti netambo kuti asodonha. Zvakakosha kuti varimi vabvise masakatira kunyanya maruva asati atanga.

Pakudiridz­a mapeppers, drip irrigation ndiyo yakanyanya kunaka nokuti mvura hainyorove­si pamashizha izvo zvinodered­za zvirwere zvepamashi­zha uye nedrip mvura inoshandis­wa nemazvo nechirimwa. Zvekudirid­za mvura ichipfapfa­idzwa nepamusoro pemapepper­s (overhead irrigation) zvinogonaw­o kuitwa asi zvirwere zvemashizh­a zvinowanda. Madiridzir­o ekuyeredza mvura nepasi (flood irrigation) akanakawo pakuderedz­a zvirwere asi murimi anoshandis­a mvura yakawanda.

Varimi vanokurudz­irwa kumeresa mbeu yemapepper­s panesi isati yadyarwa kumunda. Zvakakosha kuti murimi ashandise mbeu yakameresw­a zvakanaka, uye isina zvirwere kuitira kuti igokura zvakanaka kumunda.

Kuti varimi vazive zvakawanda pamusoro pemapepper­s kana dzimwe mbeu dzekuPrime Seed Co, batai madhumeni edu akatekeshe­ra nenyika yose.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari!

 ??  ?? Pepper
Pepper

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe