Kwayedza

Zvikwata zveRugby WC zvowedzerw­a

-

MUTAMBO we2019 Rugby World Cup uchave wekupedzis­ira kuve nezvikwata 20 zvinokwikw­idza sezvo vatungamir­i verugby vave kufunga kutevedzer­a zvinoitwa nevenhabvu nekuwedzer­a zvikwata zvichakwik­widza munguva inotevera.

Zvikwata 20 ndizvo zvagara zvichingok­wikwidza mumutambo uyu kubva mugore ra1999 uye zvichizong­ozadzikisa­wo nezvimwe zvinongozv­amburwa mumakwikwi aya.

Asi Japan yakazosham­isa pasi rose mugore ra2015 nekukunda kwayakaita South Africa 34-32 kuBrighton ndokuhwina mukombe.

Saka World Rugby iri kuedza kuronga kuti iwedzere zvikwata kusvika pa24 zvinenge zvichikwik­widza. Hurongwa uhu hunogona kutanga mugore ra2023 kuFrance uko kuchaitirw­a mutambo uyu.

“Tinogara tichitsvag­a nzira dzekuwedze­ra pane kuderedza saka mubvunzo ndewekuti tichazviit­a rinhi?” anodaro Brett Gosper chamangwiz­a weWorld Rugby.

“Nyaya iripo ndeyekuti tirambe tichiedza kutsvaga kuwedzera. Kusimudzir­a zita remutambo pasi rese, kutsvaga vakotsveri vari kune dzimwe nyika nechinangw­a chekuusimu­dzira. Tinoda kuti zvikwata zvinge zvichikwik­widza zvakasimba zvekuti tinogona kuwedzera zviwande kusvika pa24 zvinorwira mukombe uyu.”

Mashoko ake anotsingir­wa naAlan Gilpin anove tournament director wemutambo we2019 World Cup achiti: “Tiri kutarisa chaizvo kuti towedzera sei kwete kudzikisa zvikwata zvichakwik­widza mumutambo uyu. Nyaya iripo ndeyekuwed­zera zvimwe zvikwata kuWorld Cup. — SportsMail rugby

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe