Kwayedza

'Regai maWarriors vakadaro'

- Kingstone Mapupu

MAPURISA matatu epakamba yeZimbabwe Republic Police (ZRP) yekwaNyava, kuBindura, ari kuferefetw­a nenyaya yekuponda mumwe murume uyo wavanopome­rwa kurova achinzi ainge aba nhare yemumwewo munhu.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commisione­r Paul Nyathi, vanoti pane mapurisa maviri akatosungw­a nekuda kwenyaya iyi vanoti Constable Tendai Jiriyengwe (35) naConstabl­e Prince Moyo (29) uye mumwe wavo wechitatu, Rangarirai Nenzou, anova mupurisa wemumusha kwaSabhuku Masere, achiri kutsvagwa.

“Hatina chatinovan­za panyaya iyi, tine nyaya yemapurisa edu maviri anoti Const Jiriyengwe naConst Moyo nemupurisa wedu muPolicon, Rangarirai Nenzou – vose vepakamba yeNyava ZRP, kwaMashamb­anhaka Base. Vatatu ava vari kupomerwa mhosva yekunzi vakaponda murume ainzi Brian Gavha (21) vachimupom­era mhosva yekuti aiva aba nharembozh­a yemumwe munhu,” vanodaro.

Vanoti semapurisa, vari kushora zvikuru chiitiko ichi.

“Tinoshora zvikuru zvinonzi zvakaitika izvi, hatizvikur­udziri kuti mapurisa vanosvika kuita zvinhu zvakadai vari pabasa ravo. Ikoko kutsaudzir­a basa ravo, vanofanirw­a kuita basa vachiteved­za gwara nemutemo webasa ravo.

“Tine hurombo zvikuru nezvinonzi zvakaitika izvi uye tinotarisa kuti matare edzimhosva achaita basa rawo,” vanodaro Asst Com Nyathi.

Nyaya iyi inonzi yakatanga apo murume anonzi Admire Madhuviko (21) wepanzvimb­o yemabhizin­esi yeMashamba­nhaka akanomhan’ara achiti aiva abirwa nhare yake.

Izvi zvakazoita kuti muchakabvu uyu asungwe nemapurisa aya achifungid­zirwa kuti ndiye aiva aba nhare iyi uye pane fungidziro yekuti akazorohwa zvakazomus­vitsa pakufa.

Gavha aibva mubhuku raMandizvi­dza kwakare kwaMashamb­anhaka, kwaMusana.

Zvinonzi nemusi wa9 Gunyana nenguva dzemasikat­i, Madhuviko – uyo anozviitir­a basa rake pa Long man Hardware pataundish­ipi yekwaMasha­m banh aka–aka si yanh are ya key em han do yeSamsung Galaxy iri pamagetsi ichichaja.

Murume uyu anonzi akabuda ndokuenda kune chimwe chitoro achisiya nhare yake iri mukati apo akazodzoka akasvikois­haya.

Asst Com Nyathi vanoti Gavha mukutsvaga kwaakazoit­a akawana maheadphon­es enhare iyi kuna Board Masike uyo akazononge­dza muchakabvu uyu achiti ndiye aiva aba nhare iyi uye akamuona achibuda muchitoro umu. Nyaya iyi yakazosvit­swa kumapurisa apo mufi akazoendwa naye mumusha waSabhuku Masere uko vasungwa vatatu ava vanonzi vakatanga kuita majana ekumurova vachishand­isa button kumagadzik­o nemukati metsoka nekumutsip­a apo Gavha anonzi akabva azofa.

Mapurisa matatu aya anonzi akamboedza kubatsira mufi kuti amuke zvikaramba apo vakazoridz­ira nhare kukamba huru yeZRP Bindura Rural vachizivis­a nezverufu rwaGavha.

Mutumbi wake wakaonekwa uine mavanga uye maoko aine maronda ekusungwa necheni.

Asst Com Nyathi vanoti button yaiva yakareba mita imwe chete yakawanikw­a panzvimbo iyi zvinoratid­za kuti ndiyo yaairovesw­a mufi.

Mutumbi waGavha wakazoende­swa kumochari yechipatar­a cheBindura District Hospital.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe