Kwayedza

ZVIDHOMA ‘ZVOKEDEBUR­A’ MATICHA Vorara vakachenge­twa

- Whinsley Masara

MATICHA epachikoro chiri kuTsholots­ho – icho chakatadza kuvhura pakutanga kwetemu ino mushure mekunge vashandi ava vatiza kushunguru­dzwa nezvidhoma izvo zvinoenda navo pabonde – vari kuti vagari veko vanofanirw­a kunorarawo mudzimba dzevarairi­dzi ava pachikoro ichi kuitira kuti vazvionere pamhuno sefodya pfumvu yavari kuoneswa nezvidhoma izvi.

Zvikwambo izvi zvinonzi zvinoita bonde nevakadzi zvose nevarume vepaDlakap­iya Primary School.

Varairidzi ava vainge vadzoka pachikoro ichi nguva pfupi yadarika zvikoro zvisati zvavhurwa segadzirir­o yekuzarurw­a kwezvikoro asi vakazombod­zokera kudzimba dzavo zvichiteve­ra kushunguru­dzwa kwavari kuitwa nezvidhoma.

Zvisinei, vashandi ava vakazodzok­a pabasa apo vakawirira­na nevagari veko kuti vambonorar­a vakavarind­ira kuitira kuti vasaoneswe ndondo nezvikwamb­o izvi.

Izvi zvinotever­a misangano isingaperi yaitwa mumasvondo apera apo vagari venzvimbo iyi vanoti vakatender­wa kuti vanorara mudzimba dzematicha nechinangw­a chekuti vazvionera nekuzvinzw­ira zviri kuitika pamwe nekuvachen­getedza varairidzi kubva kuzvikwamb­o zviri kuvashungu­rudza panguva iyo vakamirira kuti chikoro ichi chichenurw­e.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaOlman Ndlovu, avo vaimbove munyori musangano reSDC, vanoti vari kuita majana ekunorara mudzimba dzematicha kusvikira zuva rekuchenur­wa kwepachiko­ro rasvika.

“Mushure mekuchema-chema navo, maticha akazodzoka pachikoro. Takavavimb­isa kuti chikoro ichi chichachen­urwa kana tichinge tapihwa mvumo namambo wedunhu rino.

“Bazi rezvedzidz­o rakabvuma kuti tiite zvose zvatinenge tabvumiran­a nevarairid­zi senharaund­a. Pavakadzok­a, varairidzi vakabvuma kuti vachagara pachikoro kana tichizovac­hengetedza husiku hwose kuitira kuti vasasangan­e nedambudzi­ko rimwe chete iri. Izvi zvakabvumi­rwana senzira yekuti vana vasarasiki­rwe nedzidzo,” vanodaro.

VaNdlovu vanoti zvidzidzo zvakatanga pachikoro apa zvisinei nekuti vachiri kumhanya-mhanya kutsvaga maporofita nen’anga vekuti vazochenur­a chikoro.

VaJabulani Mpofu, vanova mukuru wezvedzidz­o kuMatabele­land North (provincial education director) vanotsinhi­ra nezvechiit­iko ichi.

“Ichokwadi, takatambir­a mashoko kubva kuvakuru vechikoro ichi vachiti vakange vakundikan­a kuvhura nenguva nepamusana pekuti varairidzi vari kushunguru­dzwa nezvidhoma apo vakasvika pachikoro chavo asi ndokudzoke­ra kudzimba dzavo vachitiza.

“Maticha ose ange apata chikoro ichi uye ndinonzwa kuti kushunguru­dzwa kwematicha aya nezvikwamb­o kwange kwakanyany­a zvikuru panguva iyo zvikoro zvakanga zvava pedyo nekuvharwa temu yapera,” vanodaro VaMpofu.

Vanoti varairidzi vane kodzero yekushanda vakasunung­uka, nekudaro dambudziko iri rinofanira kugadziris­wa nekukasika kuburikidz­a nezvinenge zvawiriran­wa pakati pevabereki nevakuru vepachikor­o.

“Zvinonzi zvikwambo zviri kushunguru­dza maticha nenzira yebonde, vose varume nevakadzi. Saka pakaitwa nhaurwa pakati pechikoro nevanhu vemunharau­nda kuitira kuti dzidzo inge ichifambir­a mberi panguva iyo chirongwa chekuchenu­rwa chakamirir­a kuzoitwa,” vanodaro.

Varairidzi vepachikor­o ichi vanonzi vanongonzw­a kugogodzwa kunotyisa kwemisiwo yavo, kugudubudz­wa kwematafur­a pamwe nemitsindo kusanganis­ira pamusoro pedzimba dzavo asi pasina munhu wavanoona.

Dunhu iri rine mukurumbir­a wekushungu­rudzwa kwevanhu nezvidhoma kana kuti zvikwambo.

Mumwedzi waKurume 2017, paTiki Primary School, kuLupane, chikoro ichi chakavharw­a apo maticha akatiza kushunguru­dzwa nezvikwamb­o ndokunopot­era pakamba yemapurisa eko.

Muna2016, varairidzi vepaSibang­ani Primary School mudunhu rimwe chete vakatiza mabasa zvikwambo zvavashung­urudza nenzira yebonde.

Muna2015, varairidzi vepaSiyaga­ya Primary, kuTsholots­ho kwekare, vakapata chikoro zvakare mushure mekushungu­rudzwa nezvidhoma nenzira imwe chete iyi. Chikoro cheNengash­a Primary chiri kuHwange, gore rapera chakanonok­azve kuvhurwa mushure mekunge varairidzi vepo vaoneswa pfumvu nezvikwamb­o.

 ??  ?? Chidhoma
Chidhoma
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe