Kwayedza

Cholera: Tose tine chekuita

-

ZIMBABWE iri mushishi kurwisa kupararira kwechirwer­e chemanyoka checholera icho kusvika pakutanga kwesvondo rino chauraya vanhu 30, vamwe vanodarika 5 000 vabatwa nacho uye vari kurapwa muzvipatar­a.

Chirwere ichi chakatangi­ra kuBudiriro nekuGlen View, muHarare, apo vamwe vagari veko vari kunzi vakanwa nekushandi­sa mvura ine utachiona hunokonzer­a cholera.

Kusvika pari zvino, cholera iyi yapararira kumamwe matunhu eZimbabwe anosangani­sira Manicaland, Bulawayo, Mashonalan­d West neMashonal­and Central. Hurumende iri kutsvaga rubatsiro rwemari ingasvika $64 miriyoni yekurwisa chirwere chemanyoka ichi.

Chikamu chezveutan­o chinoda $51 miriyoni yekubatsir­a varwere vangasvika 50 000 vangangoba­twa necholera.

Nekune rimwe divi, makanzuru anodawo yekuvandud­za mapombi anotakura tsvina yemasuweji neanofambi­sa mvura inoshandis­wa neveruzhin­ji munzvimbo dziri kushunguru­dzwa necholera.

Kune mapoka ane chitsama ari kubatsira mukurwisa kupararira kwecholera munyika zvinove zvinokudzw­a zvikuru.

Asi zvinoshami­sa kunzwa kuti panguva iyo nyika iri mushishi kurwisa denda iri, kune vamwe vasina hanya neupenyu hwevanhu zvachose avo vari kutora mukana uyu kuti vaite mari nechikirib­idi.

Semuenzani­so, kune vamwe vashandi vekanzuru yeHarare avo vakatomisw­a mabasa svondo rino vachipomer­wa kuita chitsotsi panyaya yekutengwa kwezvinhu zvakaita semagirovh­osi anoshandis­wa mukurwisa cholera.

Vashandi vekanzuru ava vanonzi vaiita chikiribid­i vachironga pamwe chete nevanoteng­esa zvinhu izvi kuti vakwidze mitengo yacho zvakanyany­isa, ivo vozotyorer­a imwe mari yacho yakawanda muhomwe.

Izvi zvinotever­a kuziviswa kwakaitwa nekambani yeEconet kuti yaisa padivi mari inosvika $10 miriyoni yekurwisa cholera.

Zvinonzi magirovhos­i anosiita $3 ange akwidzwa mutengo kusvika pa$65. Uku kuda mari zvakaita sei kunokonzer­a kuti vamwe vanhu vaite hudyire hwakadai?

Chokwadi panguva iyo vamwe vanhu vari kufa necholera asi vamwe vari kutofunga kushandisa mukana uyu kuita mari?

Vanhu vakadai vanofanira kurangwa zvakaomara­ra nemutemo kuburikidz­a nekusungwa uye nekuendesw­a kumatare edzimhosva kuitira kuti vogove muchereche­dzo kune vamwe vane mafungiro akamonyoro­ka kudai.

Nerimwewo divi, kune vamwe vanhu vasiri kutevedzer­a kurudziro iri kupihwa neHurumend­e nemamwe mapoka akasiyana mukurwisa kupararira kwecholera.

Kune vamwe vari kukaka nharo vachiti hazviite kuti vasabatane mawoko parufu senzira yekudzivir­ira cholera.

Kune vamwewo zvakare vari kuti kana hama yavo ichinge yafa nedenda iri, hazviite kuti vasaoneked­zane nemutumbi wake setsika yechivanhu. Kozotiwo vari kuramba vachiungan­a munzvimbo dzakadai sekumachec­hi nekumapira.

Ane nzveve dzekunzwa ngaanzwe! Kuita zvakanaka kwakangona­ka.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe