Kwayedza

Oti kurohwa negudo, obva ashaya foni

- Danisa Masuku

MUSIKANA wekuLobeng­ula Extension, kuBulawayo — wekubvutir­wa broom negudo, ndokurohwa naro svondo rapera — anoti ane rushambwa sezvo musi uyu akabirwa zvakare nhare yake inokosha $60 nevanhu vaive pamvonga-mvonga yakaitika apo mashura aya akaitika.

Risati razobatwa nevanoona nezvemhuka, gudo iri rakasiya raitira tsvina yaro pamubhedha uri mubhedhuru.

Precious Mbweya anoti akagurwa kunorira mushure mekushaya nhare yake paakarohwa negudo iri.

“Ndaikorobh­a mumba apo ndakanzwa kutya zvikuru ndichiona gudo richikanya­ira richipinda mumba ndokubva ratora bhurumu ndokundiro­va naro kumeso.

“Ndakanunur­wa kuti ndisarambe ndichirohw­a negudo iri nevanhu vairidzing­anisa. Vakapwanya hwindo ini ndokubva ndabuda nepaburi pacho,” anodaro Mbweya.

Anoti akashaya nhare yake itsva yemhando yeSamsung panguva yaainunurw­a nevanhu iyi.

“Ndakashaya nhare yangu itsva yeSamsung iyo yandaive ndatenga $60,” anodaro Mbweya.

Violet Khumalo, uyo anogarawo pamba apa anoti, “Taitandara zvedu apo takazongon­zwa ruzha rwevanhu uye pataida kunzwisisa kuti chii chaitora nzvimbo, vakomana vechidiki vaive vakawanda vakabva vazara muchivanze chedu vachidzing­irira gudo iri,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Gudo iri rakabva rapinda mukicheni ndokutora bhurumu richibva rarova naro Precious uyo aikorobha mukicheni.

‘‘Rakabva tatizira mubhedhuru ndokuhwand­a kuseri kwewadhiro­pu. Rakaitira yaro pamubhedha nepasi.”

Khumalo anoti vakazoshev­edza veZimbabwe Parks and Wildlife Authority nguva dzekuma 10am kuti vazoritora asi zvakavator­era maawa maviri kuti vasvika pamba pavo.

Gudo iri rinonzi rakatoita zvekubaiwa jekiseni kuti ridzikame uye rakazobatw­a ndokuendes­wa kunzvimbo inochenget­wa mhuka yeChipanga­li Wildlife Orphanage iyo iri kunze kweguta reBulawayo.

Ichi chiitiko chechipiri mukati memasvondo maviri gudo richionekw­a mukati meguta reBulawayo.

 ??  ?? Precious Mbweya (kuruboshwe) naViolet Khumalo
Precious Mbweya (kuruboshwe) naViolet Khumalo
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe