Kwayedza

Akafa ayamwiwa nemupurwa

- Danisa Masuku

MUKADZI wechikuru wemubhuku raThombank­ala, kuZhombe, mudunhu reMidlands, ari kunzi akatumira mupurwa kuti unoyamwa ropa remuzukuru wake izvo zvakazokon­zera rufu rwake.

Anastacia Nsingo (62) ari kupomerwa kutumira mupurwa kumuzukuru wake Gracious Ndlovu uyo unonzi wakanomuya­mwa ropa rake achibva azofa.

Grant Ndlovu, uyo anove mwana waNsingo, anotsinhir­a nezvenyaya iyi. “Amai vangu vakadaidzi­ra dare remhuri apo vakareurur­a kuti ndivo vakatumira mupurwa kuti unoyamwa Gracious zvikakonze­ra kufa kwake.

‘‘Mushure mezvo, vakazokumb­ira ruregerero kumudzimai wangu zvose nekwandiri,” anodaro Ndlovu.

Anoti mhuri yavo yakazoita chivanhu paguva reGracious.

“Takaenda kuguva remwana wangu uko takakumbir­a mushakabvu kuti aregerere amai vangu ava,” anodaro Ndlovu.

Mudzimai wake, Viola Sibanda, anoti pakutanga vanhu vaive parufu rwemwana wake vaipomera vabereki vake kuti ndivo varoyi.

“Vabereki vangu vakanonged­zwa pazere vanhu vachinzi ndivo vainge vakonzeres­a rufu rwemwana wangu. Saka mushure mekunge vamwene vangu vareurura, vabereki vangu vakabva vati vanoda kuripwa nemombe mhou shanu. Vakazobhad­harwa $1 500,” anodaro Sibanda.

Nsingo anoti haakwanise kutaura mashoko akawanda pamusoro penyaya iyi.

“Takataura semhuri uye handikwani­se kukuudzai zvatakakur­ukura pamusoro pazvo,” anodaro.

Anoti zvaakaita zvakakonze­rwa nemweya wetsvina.

“Iye zvino handizi kunzwa zvakanaka uye ndiri kuno kuBulawayo (kurukishen­i rweNguboye­nja) uko ndiri kutsvaga kubatsirwa nekuti pane mweya uri kundinetsa pamusha pangu. Handikwani­se kurara.” anodaro Nsingo.

 ??  ??
 ??  ?? Anastacia Nsingo
Anastacia Nsingo
 ??  ?? Grant Ndlovu
Grant Ndlovu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe