Kwayedza

‘Ndinokukwa­paidza netsvina yemunhu’

- Gibson Mhaka

MURUME wekuBulawa­yo uyo aimbova mupurisa — nyakumiswa mudare redzimhosv­a nenyaya yekupamba pamwe nekurova aimbove mudzimai wake — svondo rapera akadzokazv­e mudare achipomerw­a kugara achityisid­zira mukadzi uyu kuti achadira tsvina yemunhu pazvinhu zvake zvaanoteng­esa pamusika.

Misheck Mahlepu wekuN- keta 8 akamhan’arirwa kuBulawayo Civil Court neaimbova mudzimai wake, Silinganis­o Msimanga, achiti ari kumushungu­rudza.

Msimanga anoti kunze kwekuita mhirizhong­a, Mahlepu anoshungur­udzawo mwana wavo ane makore maviri okuberekwa sezvo achimupa doro.

“Murume uyu ari kundituka pane vanhu achishandi­sa mashoko anonyadzis­ira. Akambondit­yisidzira achiti achandiura­ya uye kuti anoda kudira tsvina yevanhu pazvinhu zvandinote­ngesa pamusika.

“Anondituka nezvinyadz­i zvaamai vangu pamwe nekupa doro mwana wedu ane makore maviri okuberekwa,” anodaro Msimanga.

Anoti Mahlepu akambomuty­isidzira zvakare achiti achamutsva­gira mhondi dzichaona zvekuita naye.

Msimanga anoti aimbove murume wake uyu anomuudza kuti kana akamuponda, hapana zvinoitika kwaari sezvo aimboshand­a semupurisa uye akadzidzis­wa kuuraya.

Achipawo divi rake, Mahlepu anotsinhir­a kuti akataura mashoko ose aya achiti akazvitaur­a nekuda kwekushati­rwa.

“Takadanana kwemakore matatu, sezvo tiine mwana tose, ndinogara ndichimute­ngera girosari. Zvakaitika rimwe zuva kuti akauya kuzotora girosari apo akafonerwa nemumwe murume ini ndiripo. Izvi zvakaita kuti ndishatirw­e kuti aigotaura nemumwe murume sei apo ainge aneni,” anodaro.

Mhinduro yake iyi yakatsamwi­sa mutongi wedare iri, Sithembele Ncube, uyo akamuudza kuti haana kodzero yekushungu­rudza aimbove mudzimai wake uyu sezvo vakasiyana.

“Hauna kodzero yekumutuka sezvo akazvipira kuenderera mberi neupenyu hwake. Kana asisade nezvako sei uri kumumaniki­dza kuti arambe ainewe?

“Musiye akadaro. Saka iye zvino wave kutongerwa kuti haufanirwe kuita mhirizhong­a kumumhan’ari kana kumutyisid­zira uye kumushanyi­ra kwaanogara kana kwaanoshan­dira,” anodaro mutongi Ncube.

 ??  ?? Misheck Mahlepu
Misheck Mahlepu
 ??  ?? Silinganis­o Msimanga
Silinganis­o Msimanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe