Kwayedza

. . . tsvina yemunhu mundiro

- Lizzy Mushoriwa

MUMWE mudzimai anoti ave kugara akabatira hana yake mumaoko zvichiteve­ra kuona kwaakaita ndiro yaive izere nezimukond­e retsvina yemunhu zviri pamusowo wemba yake mushure mekunge anetsana nevavakidz­ani vake vanove mukoma nemunin’ina.

S Mare akamhan’arira Lenear Kuvarenga naBybity Kuvarenga kuHarare Civil Court achivapome­ra mhosva yekumushun­gurudza uye kumutadzis­a kugara zvakanaka pamba pake.

“Changamire, vakadzi ava vandishung­urudza. Takanetsan­a nekuda kwekuti vana vavo vanorasira marara kumba kwangu uye vakatombop­wanya hwindo. Takaenda kumapurisa uko Lenear akanzi akumbire ruregerero asi akaramba ndokubva vazonzi vagadziris­e hwindo iri izvo vakaita,” anodaro Mare.

Anoenderer­a mberi achiti, “Lenear akandiudza kuti ane n’anga yake inomupa mishonga inonzi Sekuru Banda uye anoti tichapedze­rana. Anondituka kuti muroyi.

“Mushure meizvozvo, ndakazoona ndiro yaiva izere netsvina yemunhu pamusuwo pangu nokudaro handichazi­va kuti ndiani ari kuita izvi. Saka ndauya kuno changamire wangu nekuti ndava kutotyira upenyu hwangu,” anodaro.

Anoti Bybity anofurira maroja ake zvakare.

“Bybity ane tsika yekufurira maroja angu kuti asanditere­re izvo vanozoita, uye vanoita ruzha nemawaires­i avo zvinondish­aisa rugare. Ndinoda runyararo uye vana vavo ngavasakan­de zvinhu kumba kwangu,” anodaro Mare.

Achipawo divi rake, Lenear anoramba mhosva yaari kupomerwa naMare.

“Handiende kumba kwavo, asi kuti ivo ndivo vanouya kwangu vachinditu­ka. Ehe, kumapurisa takaenda hwindo rikagadzir­wa, asi handina kumbovati muroyi ini,” anodaro.

Bybity anotsinhir­awo kuti nyaya yehwindo yakagadzir­iswa. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mare gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe