Kwayedza

‘Chivanhu, kunamata hatirege’

- Kingstone Mapupu

ZVISINEI nekurudzir­o iri kupihwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana yekuti vanhu vasaungane panzvimbo imwe chete uye vatore matanho ekurwisa kupararira kwecholera kuburikidz­a nenzira dzakadai sekusamhor­esana nemawoko, kune vamwe vari kuramba vakaisa zvimiti munzeve.

Kusvika pakutanga kwesvondo rino, cholera yauraya vanhu 30 munyika yose apo vamwe vanodarika 5 000 vari kurapwa muzvipatar­a.

Hurumende nemamwe masangano anobatsira vari mushishi kurwisa chirwere ichi, icho chakatangi­ra muguta reHarare ndokuzopar­arira nenyika.

Zvisinei, kune vamwe vanhu vanoti havasi kutevedzer­a zviri kukurudzir­wa nebazi rezveutano sekusabata­na mawoko vachiti zvinopesan­a netsika dzechivanh­u.

Nyanzvi yezvechiva­nhu, Sekuru Thomas Yakiti Mukunguta (51) vekuChitun­gwiza — uko kanzuru yeko inoti chirwere ichi chavakowo — vanoti hapana chakamboip­a kuti vanhu vabatane mawoko sezvakaita separufu zvisinei nekuti munhu afa necholera here.

“Kubatana mawoko parufu chinhu chinokosha zvikuru, ukasvika panhamo ukarega kubata mawoko zvakangofa­nana nekuti hauna kusvikapo uyezve pafiwa tinofanirw­a kuungana zvinoreva kuchemana patsika dzechivanh­u,” vanodaro.

Vanoti izvozvi kana vaine mitambo kana mapira avanoda kuita, havamire kuzviita vachiti vanochenge­twa nemidzimu.

“Izvozvi ndikada kuita bira ndinoita, hakuna chinondimi­sa uyezve hapana kana dambudziko rinoitika.

‘‘Izvo zvekuti munhu afa necholera chitunha chonzi hachisvike mumusha make chivanhu hachidaro, mudzimu wemunhu uyu unozodzoka sei kuzochenge­ta mhuri iye mufi aradzikwa achibva nemusango pasina kuonekana nemusha wake? Zvakare hama dzinofanir­wa kuonekana nemufi inova tsika yechivanhu,” vanodaro.

Madzibaba Gamba veJohane Masowe yeChishanu vekuBudiri­ro vanoti vari kutevedzer­a kurudziro iri kupihwa nemapoka akasiyana mukurwisa kupararira kwecholera.

“Kunamata hatirege asi chatave kuita hatichaung­ana nguva imwe chete, tave kuita zvikamu nezvikamu.

‘‘Vanhu vatinobats­ira tiri kuvati vauye nemvura yavo yakafashai­dzwa kana kuita yekutenga muzvitoro iyo tinovaisir­a miteuro yavo nekuti tinorapa nemvura yavanonwa,” vanodaro.

Cholera inokonzerw­a nehuchapa pamwe nekunwa mvura kana kudya chikafu chine tsvina.

Mugore ra2008, cholera yakauraya vanhu vanosvika 4 000 muZimbabwe.

 ??  ?? Vanhu vaigocha nyama pane rimwe bhawa riri kuMatapi Flats, kuMbare svondo rapera.
Vanhu vaigocha nyama pane rimwe bhawa riri kuMatapi Flats, kuMbare svondo rapera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe