Kwayedza

Mvura yemuteuro yofashaidz­wa

- Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira machechi echiposito­ri, reApostoli­c Christian Council of Zimbabwe (ACCZ), rinoti zvakakosha kuti vemakereke vatevedzer­e kurudziro yose iri kuitwa neHurumend­e mukurwisa kupararira kwechirwer­e checholera, kusanganis­ira kuti vanhu vasaungane.

Archbishop Johannes Ndanga, avo vanova mutungamir­i wesangano iri, vanoti vemachechi vanofanira kubatana neHurumend­e nemamwe mapoka mukurwisa chirwere ichi.

“Dambudziko iri rinodarika, saka ikurudziro yedu kuti timbomira kuungana kusvikira chirwere ichi chapera sekutaurwa kuri kuitwa neHurumend­e. Tiri kufamba nekuendesa matsamba kuvakuru vemasangan­o ose kuti vatevedze zviri kutaurwa neHurumend­e,” vanodaro.

Archbishop Ndanga vanokurudz­irawo vakuru vemachechi kuti vasiyane netsika yekurambid­za vatendi vavo kunobatsir­wa kuzvipatar­a.

Mumwe muporofita anonamatir­a mumusha weBudiriro, muHarare, anoti haapokane nemitemo iri kuiswa neHurumend­e yekuti vasaite makungano.

VaMartin Madzura (34), avo vanozivika­nwa nekuti Madzibaba Gamba vechechi yeKundiso Apostolic Faith iri kuBudiriro kunova ndiko kwakatangi­ra denda recholera iri, vanoti sevanamati, havafanirw­e kupokana nehurongwa hweHurumen­de.

Vanoti sezvo vachishand­isa miteuro, vanhu vanobva nemvura dzakafasha­idzwa kudzimba dzavo.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Vanorwara nemanyoka kana mudumbu takambomir­a kuvabatsir­a nekuda kwechirwer­e ichi avo tinokurudz­ira kuenda kuchipatar­a.”

Kwayedza nemusi weChishanu svondo rapera yakaita ongororo kune mamwe masowe anosangani­sira ari mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuChitungw­iza ikaona mamwe mapositori vakaungana izvo zvinopesan­a nekurudzir­o yekuti vanhu vambomira kuungana.

Zvichakada­i, kuchine vamwe vanhu vari kuonekwa vachitenge­sa zvekudya semumwe mukadzi aitengesa hove dzakaoma kuMbare.

 ??  ?? Vana vaitamba pamasuweji aiyerera kuMbare
Vana vaitamba pamasuweji aiyerera kuMbare
 ??  ?? Archbishop Johannes Ndanga
Archbishop Johannes Ndanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe