Kwayedza

Cholera: N’anga dzapindira

- Kingstone Mapupu

MUKURU wesangano rinomirira machiremba echivanhu, reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti zvakakosha kuti n’anga nemaporofi­ta vabatsire mukurwisa kupararira kwecholera munyika.

“Hatina chatinopok­ana nacho nekuti machiremba nemaporofi­ta edu vari kutevedza utsanana pakurwisa denda ratiwira iri,” vanodaro.

Mashoko aVaKandiye­ro anotevera pfungwa dziri kupihwa nemamwe machiremba echivanhu dzekuti zviri kukurudzir­wa kuti veruzhinji vasaite senzira yekurwisa kupararira kwecholera zvinopesan­a nezvinotar­isirwa pachivanhu.

Nedonzvo rekurwisa cholera, veruzhinji vari kukurudzir­wa kusabatana mawoko pangave parufu kana pakukwazis­ana, kusaungana uye kuti munhu anenge afa nechirwere ichi hama dzake hadzitende­rwe kuonekedza­na nemutumbi wake.

Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti kubvira kare, kwaive nezvirwere zvakaita secholera zvekuti kana munhu akafa nedenda rakadai, hama dzake hadzioneke­dzana nemutumbi wake.

“Tine denda remaperemb­udzi neyainzi furuwenza, kare ikako munhu akabatwa nemaperemb­udzi ainorapirw­a kwake oga musango kusvikira afa apo aivigwa nevakuru vashoma bedzi. Pakurwara ipapo, kwaiiswa rusvingo kuti kusasvike vanhu,” vanodaro.

“Zvekunzi tisakwazis­ane nemawoko hazvishami­se, iko kuti vafa necholera vasapinzwe mumisha zvakagara zviriko. Inga vanhu vanenge vazvisungi­rira kana kuzviuraya nedzimwe nzira, pachivanhu mitumbi yavo haipinzwe mumusha wani, chivanhu ichocho,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti munhu anofa necholera anorohwa guva sezvinongo­itwa vamwe.

Asi, imwe nyanzvi yezvechiva­nhu, Sekuru Thomas Yakiti Mukunguta (51) vekuChitun­gwiza vanoti hapana chakamboip­a kuti vanhu vabatane mawoko zvakaita separufu zvisinei kuti inhamo yemunhu afa nedenda iri here.

“Kubatana mawoko parufu chinhu chinokosha, ukasvika panhamo ukarega kubata mawoko zvakangofa­nana nekuti hauna kusvikapo uyezve pafiwa tinofanirw­a kuungana zvinoreva kuche- mana pachivanhu,” vanodaro.

Vanoti izvozvi kana vaine mitambo kana mapira avanoda kuita havamire kuzviita vachiti vanochenge­twa nemidzimu.

Asi, VaPatrick Kapfunde (50) vekuMt Darwin vanopesana nemafungir­o aya vachiti, “Hongu, pachivanhu mufi anofanirwa kuonekana nehama dzake. Asi kana zvadai hapana maitiro, tinoitawo ‘short cut’ yacho pasina kubatana mawoko.”

Sekuru Elisha Mutanga avowo vanova mukoti akadzidzir­a basa vari zvakare chiremba wechivanhu, vanotsigir­a matanho ari kutorwa neHurumend­e nemamwe mapoka mukurwisa kupararira kwecholera.

 ??  ?? VaKandiyer­o
VaKandiyer­o
 ??  ?? Sekuru Mutanga
Sekuru Mutanga
 ??  ?? Sekuru Katerere
Sekuru Katerere
 ??  ?? Sekuru Bhaureni
Sekuru Bhaureni

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe