Kwayedza

Unopfekwa sesutu naSatani

-

MUNYIKA ino takagarisa­na nemweya mizhinji yakaipa, zvekuti dai Mwari vaimbotipa maziso emweya kuti tione, vamwe vedu tairohwa nehana tobva tafa.

Tine vamwe vanhu vatinoshan­da navo, vamwe vatinotaur­a navo, kana kutengesa navo pamusika, asi vasiri vanhu. Munyika ino tiri muhondo nemweya yerima. Nhamo iripo ndeyekuti nguva zhinji, hatione kana kuziva kuti tiri kurwiswa kana kushandisw­a.

Tinongorar­ama takakwidib­irwa nekudokerw­a senhunzi yatevera chitunha mugomba reguva.

Kana Nicole, musikana wekubuda muKwayedza svondo yakapera achitaura zviri kuitika kwaari nekuda kwemweya yenjuzu, zvinoita sekuti hakuna zvakadaro. Nicole anonzwisa tsitsi, kutozvitor­awo selfie achiona munhu, asi paanotumir­a selfie iye yosvika wave mufananidz­o wemuviri wenjuzu.

Izvi zviratidzo zvekutaura kuti madhimoni anyatsoton­ga, asi nyangwe zvikaita sekuti madhimoni amera midzi, anobva chete.

Hapana aifunga kuti Rigiyoni aigara kumarinda akasungwa angazowani­kwa akatogara achitaura naJesu.

Ngatichere­chedzei mashoko aNicole. Ngatisachi­va vanhu vane mari zhinji nekuti vamwe vavo vari kurarama hupenyu huviri – hwatinoona nehumwe hwekudyidz­ana nemweya yerima.

Rima riri kurwerwa rute munyika ino. Ndinonamat­a ndichitend­a Mwari vari kuita kuti Nicole arambe kurarama kwekuchata naSatani.

Inguva zhinji Satani paanopfeka vanhu. Variko vanhu vanonyatso­zviziva kuti zvavanoita hazvisi zvega, asi vanhu ivavo kusiyana kwavo naNicole ndekwekuti vanoramba vakanyarar­a, vachisimbi­sa hukama hwavo nerima.

Kana uchinzwa kutyisa kwenyaya yaNicole, namata uchibvunza Mwari kuti uri wega here kana kuti hupenyu hwako hwakaremer­wa nemabhegi erima rinofamba newe?

Ichokwadi unogona kunge uchishandi­swawo naSatani asi usingazive. Saka kunamata uchitaura wega nemuromo wako, uchipopote­ra mweya iyoyo zvinhu zvinokubat­sira. Nyaya iripo ndeyekuti mweya yakaipa inotsvaga vanhu vanobvuma kuti iwane pekusvikir­a.

Kana ukasarohwa nehana kana kuramba mweya iyoyo painouya ichiti gogogoi, uchenjere kuti unenge watoipa mvumo.

Chandakadz­idza ndechekuti sezvo vanhu vazhinji vachipfekw­a nemweya yerima, usangosiya vachitaura zvavanoda muhupenyu hwako. Vamwe vanhu vakawanda vanotori patiketi raSatani.

Satani anoshandis­a vanhu vake kuti akutonongo­re kunge chibage chiri pamuguri. Peter akapfekwa sesutu naSatani akashandis­wa kurambidza Jesu kuti ataure kuti achafira zvivi zvevanhu.

Pakuona kwedu, tinoti Jesu akatuka Peter paye paakati, “Ibva kwandiri Satani” asi pamweya Jesu akanga achiona Satani apinda muna Peter.

Nhaiwe muverengi weKwayedza, unombofung­a dzimwe pfungwa dzinotyisa here zvekuti wega unozoti, “Kwete, ini handife ndakaita zvinhu izvozvo?” Ukaona zvakadaro zvichimboi­tika, ziva kuti une hondo nerima zvekuti kana ukasasimba kuramba, Satani anongouyaw­o otanga kuroja mupfungwa dzako asi asingabhad­hare mvura, imba kana magetsi.

Unogona kufunga kuti ndiri kukufurisa dzihwa setishu, asi ichokwadi kuti mwoyo wako nepfungwa zviri kudhonzera­nwa. Achatonga nekukutung­amirira hupenyu hwako ndiMwari here kana kuti Satani?

Chokwadi chandakadz­idza mushoko raMwari ndechekuti kana usingade kupfekwa nekushandi­swa naSatani, ramba.

Imwe nhamo yatiinayo ndeyevanhu vanotiudza kuti vanoshandi­ra, asi vasingatau­re kuti kushandira kwavo kushandira rima kuti Satani awane vanhu.

Iko zvino Nicole asvika padanho rakanaka kwazvo rekuramba mweya yenjuzu.

Ngaarege kunyeperwa kuti anourayiwa. Zviri nani kufa uchiramba Satani pane kufa uri muroyi woshaya denga.

Bhaibheri rinoti, “Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.”

Kana wangoziva chete kuti Satani ari kuda kukuridza sengoma, unorambire­i wakati favava iye achigadzir­ira kukutsemur­a?

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe