Kwayedza

Nhetembo dzepadare

- Munyaradzi Gunduza

TSANANGURA rayiro dzinobuda munhetembo dzenhango dzepadare. [25]

Cherechedz­o: Mudzidzi ngaanyore nhanganyay­a inotsanang­ura nhango dzepadare. Mudzidzi ngaape pfungwa sere kana kudarika dzakatsigi­rwa netsanangu­ro dzinobva munhetembo dzacho. Mudzidzi ngaasashan­disa nhetembo imwe chete kanodarika kaviri.

Muroyi haana mugoni, haanei nokuti wamunatsir­a kana kumutadzir­a anongokuro­ya zvakadaro sepanonzi, “Ukamupa wafa — umunyime wafa” mudetembo rinonzi, Muvengi muroyi.

Shanje dzakaipa sepanonzi,

“Vakaipa vanofanana nevaroyi

Vane shanje nepfini mumwoyo yavo.”

Pfambi dzinoparad­za upenyu hwevanhuru­me sepanonzi,

“Pfambi haitsvagi kuwanikwa,

Chayo kukugura mabvi wakatarisa” mudetembo rinonzi Pfambi haidyi chebamba.

Kugona kupanda nyaya padare rashe sezviri mudetembo rinonzi, Kupanda nyaya.

Munhu ngaasarasa tsika dzake nokutoredz­era dzevamwe vasiri verudzi rumwe naye sezviri kuita vana vemazuva ano vava kutoredzer­a zveChiRung­u vachirasa tsika namagariro avo eChiShona mudetembo rinonzi, Nondo mumbizi sepanonzi,

“Mwoyo yavana yapepetwa neChiRungu,

Ugo nounomwe hwetsika dzamadziba­ba edu Hazvichina nzvimbo muhana dzavo” uyezve pamwe panonzi,

“Tsika dzamagarir­o edu dzadzama samadora Nemhaka yokushaya achadziche­uka.” Kuchenjere­ra njodzi muupenyu semudetemb­o rinonzi, Charehwa ibembera panonzi,

“Hapana chisingaur­ayi

Demo rinotema,

Pfumo rinobaya

Banga rinocheka

Tsvimbo inorova

Mbodza inozvimbir­a.”

Kugona kubata imba kwemusikan­a achangoroo­rwa. Raviro mudetembo rinonzi, Kuraya anorayirwa kuti asaite ruchiva nokuti aroorwa, achigutsik­ana nemurume wake mumwe iyeye panonzi,

“Zvamesomes­o ibva wasvipira pasi, Zvoumhanda­ra nhasi zvakuva samazhanje” Anorayirwa­wo kuti ave neutsanana uye kuti asiyane namakuhwa nokuti anoputsa musha panonzi,

“Ufende siyana nahwo” uye panonzi, “Guhwa regera, imhunzamus­ha” Anorayirwa­wo kuti ateerere murume, kwete kuenzana masimba nomurume mumba.

Cherechedz­o: Tambanudza­i mhinduro iyi muchipa dzimwe pfungwa dzinobuda munhango idzi semaonero enyu. Apa ndipo paperera bhuku rino. Tinotanga rimwe svondo rinotevera.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe