Kwayedza

Kuzvitonga kuzere

-

SVONDO rino tinoendere­ra mberi nemubvunzo watakatang­a masvondo apera unoti; Sarudza nhetembo dzinobuda muna Rukuvhute dzinoburit­sa dingindira rezvematon­gerwo enyika/hondo yeChimuren­ga.

Zvino takaongoro­ra nhetembo nhatu dzinoti; Ndipo patakamuvi­ga pano, Pakamungom­a naHadzisi nhema.

Svondo rino tinopedzis­a nhetembo mbiri dzasara.

Munhetembo inonzi, Chava chigondora, chava chimombe nyanduri akanyora detembo iri achirangar­ira mhemberero dzekuzvito­nga kuzere kweZimbabw­e mugore ra1985. Munhetembo iyi munobuda pfungwa yekuti nyika yeZimbabwe yakawana kuzvitonga kuzere mumwedzi waKubvumbi sepanonzi, “Mwedzi waKubvumbi akasvinura ziso rake mhou ndokugomer­a kamwe.”

Kuwanikwa kwerusunun­guko muZimbabwe kwakafadza midzimu yevanhu vatema sepanonzi, “Vari nyikadzimu vakasekere­ra kuona mhuru yodhanaira.”

Nyanduri anoti Zimbabwe yakashanda nedzimwe nyika kutsvaga rubatsiro nepfungwa dzekuvaka nyika sepaanoti, “Mhuru ichitsvaka hama dzokuipaku­rira njere.”

Nyanduri anoti nhetembo iyi akainyora mushure mekunge Zimbabwe yave nemakore mashanu ekuzvitong­a zvizere uye yaive yatosimuka sepaanoti, “Nhasi mhuru yasvitsa makore mashanu chatova chigondora zvachakada­ro.”

Pakupember­era makore mashanu ekuzvitong­a kuzere Zimbabwe inyika yakanga yave nehupfumi hwakanyany­a uye munyika mazara maguta sepanonzi, “Muviri wacho wagwinya nacho chikafu chati bvu-u.”

Nyanduri anoti makore matatu mushure mekunge nyika yeZimbabwe yave kuzvitonga, kwakaita nzara yakakonzer­wa nekusanaya kwemvura sepaanoti, “Gore rakabereka mamwe makore matatu asi denga rakaramwir­a gotsi ndokumwaya nzara.”

Nhetembo yakanzi Izororo remagamba, nhai? inobata dingindira rezvematon­gerwo enyika.

Nyanduri anoti zororo remagamba rinoitwa nechinangw­a chekupa ruremekedz­o kuvarwi vehondo yekusunung­ura Zimbabwe sepaanoti, “Izororo remagamba kuremekedz­a vaya vakaisa nyika mberi.”

Magamba akazvipira zvikuru kuburikidz­a nekukoshes­a upenyu hwevazhinj­i sepanonzi, “Upenyu hwavo vakaisa mumashure.” Nyanduri anoti vamwe vanhu vanopember­era zororo remagamba vachinwa doro repanonzi, “Mabhawa akati pa-a, zvikari mabhotoro zviri kuzeya rave kunwiwa zvese nevana varo.”

Kana rave zororo remagamba vanhu vanenge vachifara zvikuru sepanonzi mudetembo, “Nyika yose iri mujakwatir­a rorufaro.”

 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe