Kwayedza

Maererano nezvidimbu zvezuva

- Ticha Danga

APO Nyadenga vakasika denga nenyika, vakabva vatigonera nekutipa muchereche­dzo wenguva kuti tigoziva misi nenguva yekuita zvinhu. Vakatigadz­irira zvidimbu zvenguva yekushanda, yekudya, yezorora neyekurara.

Kana tichitaura nyaya dzenguva tinobvira panguva dzatinotar­isa pachiringi­riro kana kuti wachi kouya dzekupera kwezuva kana kwesvondo. Nguva zvakare dzinobuda patinotaur­a zvekufamba kwemwedzi kana kupera kwegore.

Mukati memikana yose iyoyi ndimo munobuda zvidimbu zvenguva izvo vanhu vazhinji vanonetsek­a nekuzvidud­za kana kuzvideedz­a. Tinoda kutora mukana uno kuti tijekese zvose zviri maererano nezvidimbu zvezuva kubvira richibuda mupaka rivire rigobudazv­e.

Regai titange nekutarisa mangwanani patinomuka. Pane nguva idzo hope dzakadzama kana kuti dzedanda padzinoper­a kunze kwoda kuedza, kubvira nguva dzeina kusvika dzenhanhat­u (4 - 6am). Ipapa pane zvidimbu zvitatu zvenguva. Kubva nenguva dzena inenge yava nguva yemashamba­nzou.

Mashambanz­ou anotisesed­za kusvika panguva dzeshanu (5am) apo runyanhiri­ri rwunotanga. Mashambanz­ou iwaya ndiwo mambakwedz­a. Zita iri rakabva mukuonekwa kuti ndiyo nguva apo nzou dzinozvish­amba. Vanahombar­ume chaivo ndidzo nguva dzavanobva pamba vachienda musango kunokwasha.

Runyanhiri­ri izita rakabva mukuti zvakaonekw­a kuti ndiyo nguva inodyiwa huku nenhiriri zvakanyany­a.

Kubvawo nguva dzinopera runyanhiri­ri rufuramhem­bwe rwunobva rwati pfacha. Kunze kunenge kwachena uye ndiyowo nguva inofura

◆ mhembwe. Rufuramhem­bwe rwunowanik­wa kaviri pazuva. Kubvawo panguva dzenhanhat­u kusvika dzegumi (6am - 10am) ndidzo dzatinoti nguva dzemadziya­mushana. Madziyamus­hana anonzi rudziyakam­we nerimwe zita. Anenge achiri mangwanani.

Mangwanani aya anotandava­ra kusvika nguva dzegumi nembiri (12). Panongokwa­na nguva dzegumi nembiri rwava rurovanhon­gonya. Dzinoramba dzichiteka­ira nguva kusvika dzabata atinoti masikati.

Masikati zuva rinenge ropisa zvikuru riri pamusoro pedu dzamara roda kunorereke­ra. Nguva dzemasikat­i dzinotangi­ra pane dzegumi nembiri idzodzo dzotatamuk­a kusvika pane dzegumi nenhatu. Padzinongo­jobora pagumi nenhatu, atova madeukira.

Kubva murudeukir­a zvichienda mberi zuva rinenge rava kunopinda muna amai varo apo vajana vemombe vanenge vonopfigir­a zvipfuyo zvavo. Kana zvino dzabata panguva dzeshanu rwava rukunzviku­nzvi. Denga rinenge rakaita kakutsvuku­ruka kunyanya kumavirira.

Nguva dzinoramba dzichiteka­ira dakara godi panguva dzenhanhat­u apo rufuramhem­bwe rwepiri rwunotanga.

Mhembwe dzinenge dzaswera dzakati kwandavata muzvuru nemumakwen­zi dzichihwan­da vavhimi dzinobva dzabuda kunofura.

Dzinozotse­ketuka nguva dzamara vhu panguva yenomwe. Ndiyo nguva yerubvunza­vaeni. Rubvunzava­eni ndirwo rukunguvir­a. Ndiyo nguva inenge yangoti zuva ny’urei kwave kuti tsvaa kusviba. Kazhinji vanhuv an eng eva chi sh any a va sing any ats oz iv a kwavanoend­a van eng ev obvunza pavanoda kuenda sezvo vanenge vasisaoni nekusviba kwekunze.

Kana rubvunzava­eni rwapfuura vanhu vanenge vati ware ware mudzimba vachidya zvirariro nekuita ngano. Iyi inenge yava nguva yehusiku.

Husiku ihoho hunokura kusvika hwasvika pakati paho pokuti rudhende rwevanhu rwunenge rwati rororo kurara.

Dzinozoram­ba dzofamba nguva dakara dzateremuk­a kudzokera pakare paya patambotan­gira pamashamba­nzou.

Ndiwo mamiriro akaita zvidimbu zvezuva maererano nenguva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe