CHISHONA CHAKANAKA
VANA vechikoro, hounoi mukana wekupota muchitumira mibvunzo yenyu kuKwayedza tibatsirane kuti Shona ireruke. Tumirai mibvunzo yenyu kuMupepeti nenhare dzinoti +263 714 200 007 kana e-mail inoti: kwayedza@zimpapers. co.zw kana patrick.shamba@ zimpapers.co.zw. Taura zita rako rizere, chikoro chako, giredhi, nenzvimbo inowanikwa chikoro chako. ** * MHINDURO DZESVONDO RAPERA:
Tiudze rimwe zita rinoreva zvimwe chete neiri:
1. kotsa – (viga)
2. chani – (uswa)
3. hwahwa – (doro)
4. mhashu – (hwiza)
5. nariti – (tsono)
*** ZVAKABVA KUVAVERENGI: 0783 132 018 – Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.
Tawanda *** Chitare,
Boka, Mutare – 1. viga; 2. ngetani; 3. doro; 4. hwiza; 5. tsono.
***
Tawanda Chitare, Mutare – Ndamba kuudzwa akazoonekwa nembonje pahuma.
***
0776 590 484 – Ndamba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma. ***
Brian Nyaunye, Mutoko Primary School – 1. kotsa - viga; 3. hwahwa - doro/gwibu; 4. mhashu - hwiza; 5. nariti - tsono.
*** Vimbai Magoba Musani, Chipinge – Ava mazambuko.
***
Lister Nyahuku, Mutanda Primary School, Mutare – 1. kotsa - viga; 2. hwahwa - doro; 3. mhashu - hwiza; 4. nariti - tsono.
***
0775 264 914 – Kutanda botso munhu anenge akupenga achipfeka masaga. *** Lawrence Tom, Waterfalls – 1. kotsa; 2. chani - chii; 3. hwahwa doro; 4. mhashu - hwiza; 5. nariti - tsono.
***
0775 264 914 – Ndamba kuudzwa akazoonekwa nembonje pahuma, zvakafanana nekuti pawaitsiurwa usingaterere wozopinda mumatambudziko.
***
Cuthy Muneh, Haungton Park 3 – hwahwa - doro; 3. mhashu hwiza; 5. nariti - tsono.
***
Client Chipiro, Grade 6,