Kwayedza

Dzidzo ngaifambir­ane nemabasa – Murwira

- Ngobile Tshili

HURUMENDE inoti musiyano uripo pakati pehunyanzv­i hwekuita mabasa akasiyana nedanho rekufunda unoda kudzikiswa sezvo chikamu chinodarik­a 50 percent chevanhu vakadzidza vasina ruzivo rwakadzama rwemabasa ekuti vakwanise kuzviraram­isa nawo.

Gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandun­dwa kweruzivo rwezvemuch­ina, Professor Amon Murwira, vanoti chikamu chevanhu vanogona kuverenga nekunyora munyika muno – icho chiri pakati pe94 ne96 percent – chinopa mamimiro ezvinhu asiriwo chaiwo maringe nevanhu vane hunyanzvi hwemabasa avo vanove pachikamu che38 percent.

“Chinangwa chedu pachapera makore mashanu ari kutevera ndechekuti dzidzo yemuZimbab­we ienderane neyepasi rose,” vanodaro.

“Pari zvino ruzivo rwekuita mabasa akasiyana ruri pa38 percent asi vanhu vanogona kuverenga nekunyora vari pachikamu chiri pakati pe94 ne96 percent. Izvi zvinoreva kuti pane mukaha we58 percent unoda kuzadzikis­wa nekuti kana tichikwani­sa kuverenga nekunyora uye tiine ruzivo rwemabasa, tinova nyika yakadzidza.

“Kana muri nyika ine vanhu vanogona kuverenga nekunyora chete, hazvirevi kuti muri nyika yakafunda kana pasina ruzivo rwakadzama rwemabasa akasiyana.”

Prof Murwira vanoti bazi ravo riri kuvhara mukaha uyu kuburikidz­a nekugadzir­isa matambudzi­ko ezvivakwa akatakaris­ana nezvikoro zvedzidzo yepamusoro, kuve negwara rakajeka rekusimudz­irwa kwevashand­i nekupa vadzidzi zvikwereti zvekuvatsi­gira mufundo yavo.

Vanotizve chinangwa chavo ndechekuti bazi iri ribatsire mukusimudz­ira nyaya dzeupfumi munyika.

“Tinofanira kuenderera mberi nenyaya dzekusimud­zira maindasiti­ri kuburikidz­a neruzivo. Zvazvinore­va ndezvekuti tichange tichipedza kuvaka mizinda yekuitira zvidzidzo zvemabasa emaoko yemaInnova­tion Hub.

“Takazviita kumayunivh­esiti matanhatu eHurumende, tichazviit­a zvakare kune mamwe mayunivhes­iti ose, zvichireva kuti tichazviit­a kumayunivh­esiti masere asara,” vanodaro Prof Murwira.

MaInnovati­on Hub mizinda yekuti vadzidzi vekuzvikor­o zvepamusor­o vange vachidzidz­a nezvemabas­a emaoko uye muzinda wepaMidlan­ds State University wakakumiki­dzwa muna Chikumi gore rino.

Mimwe mizinda yemhando iyi ichiri kuvakwa kumayunivh­esiti akasiyana.

 ??  ??
 ??  ?? Prof Murwira
Prof Murwira

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe