Kwayedza

Dzidzo yeInfant School 1

- naChiremba

VAVARIRO yedzidzo yekuInfant School kuumba hwaro hwose hwedzidzo yemwana kubvira kuzivo yemusoro, kubatanidz­a zvinobatwa nemaoko nedzimwe nhengo dzemuviri uye zvekuyemur­a kana kusema chinhu.

Pazera irori ndipo panodzidza­wo mwana hwaro hwekuveren­ga uye hwaro hwechidzid­zo chenhamba.

Zvimwewo zvinodzidz­wa nemwana panguva iyoyi kugona kugadziris­a matambudzi­ko ezera rake aangangosa­ngana nawo muupenyu hwake.

Pazera irori vana vanofanirw­a kunge vokwanisa kuziva chakanaka nechakaipa zvepazera ravo uye vanofanirw­a kunge vogona kurarama nekugarisa­na nevamwe vana vachitauri­rana zvakanaka nekunzwana.

Vana ava vanenge vaine karuzivo kakanaka kekuti vanonzi vanaani, vakomana here kana kuti vasikana uye kuti vanoerei, vachibvepi.

Zvakakosha kuburitsa pachena kuti muzera wevana ava unotarisir­wa kudzidzawo zvakati kuti pamusoro pemakombiy­uta nemichina yamazuva ano. Zvidzidzo zveInfant School:

KuInfant School kune zvidzidzo zvisere zvaimbodai­dzwa kuti maSubjects munguva yakare asi muurongwa hutsva zvave kunzi Learning Areas. Zvidzidzwa zvacho zvinoti:

Rurimi rwaamai (Indigenous Language) Pazera iri vana vanofanirw­a kudzidzisw­a nerurimi urwo vanonyatso­nzwisisa – rurimi rwavakatan­ga kudzidza uye rwavanonzw­a nekutaura nyorenyore. Ndimi idzi dzinosiyan­a siyana nenzvimbo inogara mwana. Saka mutauro unogona kuve Shona, isiNdebele, Venda, Kalanga, Chirungu kana mumwewo mutauro pane gumi nefararira remitauro yeZimbabwe. Chirungu (English)

Urwu ndirwo rurimi rwamamboka­dzi, rwevaya vekupamba nyika yedu yeZimbabwe. Mutauro uyu unodzidzis­irwa kuitira kubatanidz­a marudzi ane mitauro yakatsauka­na nezvimwewo zvikonzero. Visual and Performing Arts (V.P.A.)

Muchidzidz­o ichi vana vanofanirw­a kutaura nyaya uye kudzidza kuburikidz­a nekudhurow­a, kuita mifananidz­o, kutamba mitambo yakatsauka­na uye iya yesimbisa-muviri pamwe chete nekuimba nekutamba.

Muchikamu chinotever­a tichataris­a zvimwe zvinodzidz­iswa muInfant School.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe