Kwayedza

Namata hako, asi usarege maARV

-

Kuna Chiremba

Ndiri kurarama neutachion­a hweHIV uye ndakanga ndiri kutora mishonga yemaARV makore mana adarika.

Ndakanzwa kuti maporofita nevatungam­iriri vemachechi havachakwa­nisi kutiparidz­ira nezvemasim­ba avo mukurwisa utachiona hweHIV.

Vaindipa tariro nekuda kwemharidz­o idzi nekuti ndaitotari­sira kupora pane rimwe zuva kubva kuHIV.

Pese apa ndakanga ndiri kuteerera paredhiyo ndichitari­sira kuti pane rimwe remazuva ndaizoshan­yira mumwe mutumwa waMwari kuti ange achindibat­sira. Zvino iko zvino handichazi­va kuti ndonanga kupi.

Ndinoda kwazvo kuti ndinge ndichimira kutora mishonga iyi kuti ndirarame munyasha. Sesangano reNAC, munewo here munhu waMwari wamungandi­pe kuti andibatsir­e.

Wenyu Mandhlovu Kuna Mandhlovu Sesangano reNAC hatikurudz­iri chero upi zvake munhu waMwari kuti ange achirapa HIV nekuti pari zvino haisati yava nemishonga unoipedza uye tinokurudz­ira vanhu kuti vange vachishand­isa mishonga yemaARV mukurapa avo vane utachiona uhwu.

HIV inokangani­sa dziviriro yemuviri kubva kune zvimwe zvirwere zvinongouy­a.

Mishonga yemaARV inobatsira kuti utachiona huri mumuviri mako hugare hwakaderer­a zvinoita kuti muviri wako ugare wakagwinya.

Saka kusiya maARV zvinoita kuti muviri wako uwanikwe uchirwara nekuti utachiona uhwu hunobva hwawedzera mumuviri.

Panguva yaunenge waregedza kutora mishonga yako unopa zvakare mikana kuutachion­a uhwu kuti hunge huchizoram­bana nemishonga yawambenge uchitora zvinozoita kuti mishonga iyi iregedze kushanda mauri zvakare.

Kune avo vanovimba nekupora kuburikidz­a nekunamati­rwa vachibva varegedza mishonga yavo, vanozviisa panyatwa yekuregedz­a kupora.

Tinotenda zvikuru kuti sangano rinoona nezvekutep­fenyurwa kwenhau, reBroadcas­ting Authority of Zimbabwe ( BAZ), rakarambid­za kushambadz­wa kwemaporop­hita nen’anga avo vaizviti vane masimba ekurapa HIV.

Bhaibheri mubhuku raKings 5 rinotaura kuti munhu waMwari akatuma Naaman kuti aende anozvinyik­a kanomwe murwizi Jorodhani akaporeswa.

Muna John 9, Ishe Jesu vakasangan­isa mate avo nedhaka vakaisa pameso ebofu vakamuudza kuti aende kunogeza kumeso kwake achibva aona kuti ainge aporeswa ndokutanga kuona.

Izvi zvinoratid­za kuti kunyangwe tiine chivimbo munaMwari pane zvimwe zvinhu zvatinofan­ira kunge tichiita panyama kuti tinge tichipores­wa.

Unokwanisa kurarama uri muruvimbo rwekunamat­a asi uchiramba uchitora mishonga yakanyorwa nemachirem­ba kuti unge uchipora.

Dr B Mushangwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe