Kwayedza

Ziva nezvechole­ra’

- Muchaneta Chimuka

CHIRWERE checholera chakaipisi­sa zvikuru nekuti chinokonze­ra kupera kwemvura yemumuviri mukati menguva diki kuburikidz­a nekurutsa uye kuchaya manyoka, izvo zvinogona kuita kuti munhu afe kana chikanonok­a kurapwa.

Panguva ino, Zimbabwe yakatarisa­na nedambudzi­ko recholera, icho chauraya vanhu 25 kubva pachatanga muHarare masvondo adarika. Vamwe vakawanda vari kurwara nacho.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kukusha mashoko pamusoro pechirwere ichi.

Zviratidzo zvecholera:

- Kuita manyoka akacheneru­ka kunge mvura yanyikwa mupunga nekupera simba.

- Kuramba uchiita manyoka apo neapo.

- Manyoka akaita mvura anobuda achiita zvekumhany­a.

- Kana manyoka ava neropa, inogona kunge iri dysentery, inova imwe mhando yemanyoka akaipisisa.

- Maziso anowira mukati asingabude misodzi nekupererw­a nemvura.

- Mukanwa munooma, munhu asingaite weti kwemaawa 6 kana kudarika.

- Munhu anogona kuita weti asi iri shoma uye ine ruvara rwe”yellow” yakanyanya.

- Ganda rinogona kuunyana.

Kudzivirir­a cholera:

- Inwai mvura yakawanda nekumwe kudya kune mvura yakawanda.

- Ipai murwere mvura yakafashai­dzwa ine munyu neshuga kudzivirir­a kupererwa nemvura mumuviri.

- Mvura ine munyu neshuga inofanira kunwiwa yakawanda kusvika manyoka apera.

- Kana vari vana vane manyoka, havafanirw­i kumira kudya nekuti chikafu chinobatsi­ra zvakare mukumisa manyoka.

- Rambai muchiyamwi­sa vana kakawanda kuti vasarasiki­rwe nekudya kwakakosha kana kupererwa nemvura mumuviri.

- Onai chiremba nekukasika.

- Kurutsa kakawanda nekuita tsvina yakaita mvura mukati meawa rimwe chete kana maviri inogona kudaro iri cholera.

- Inwai mvura yakachena nekudya chikafu chakabikwa uye chichipisa kwete munya.

- Marara ngaagare kure nenharaund­a dzeveruzhi­nji nekuti anokoka nhunzi dzinounza utachiona uhwu kuvanhu.

- Musaitire tsvina pedyo nenzvimbo

inocherwa mvura yekunwa kana yekuwachis­a.

- Gezai maoko nguva dzose nemvura yakachena uye inomhanya.

- Chererai marara mugomba kana kuapisa kudzivirir­a majemisi.

- Zvakakosha kuona chiremba nekukasika munhu asati anyanya kurasikirw­a nemvura mumuviri.

- Shandisai mishonga inouraya majemisi mukuchenes­a mvura nekugeza marutsi kana tsvina inenge yaitwa nemurwere.

- Gezai zvimbuzi zvenyu nemishonga inouraya majemisi

- Shandisai magirovosi pakushambi­dza zvimbuzi

- Siyanai nekatsika kekukwazis­ana nemaoko nekuti anogona kunge aine utachiona uhwu

- Musamhores­ane kana kubatana maoko pamariro munguva yecholera

- Gezai maoko enyu kana ndiro nedota kana nesipo.

. Ruzivo urwu tinoruwana kubva mubhuku rakanyorwa nesangano reWomen’s Action Group rinonzi ‘Utano Hwako, Upenyu Hwako’.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe