Kwayedza

Mr Reggie adzoka zvakare mudariro

- Lizzy Mushoriwa

MUIMBI wechidiki ari kusimukira mumusambo weAfro-pop — Reginald Murinda — uyo anozivikan­wa nezita rekuti Mr Reggie, adzoka zvakare mudariro zvichiteve­ra kubura kwaakaita dambarefu rake rechina rinonzi Reinforcem­ent.

“Iri ndiro dambarefu rangu idzva rinonzi Reinforcem­ent rinova rechina kubva pandakatan­ga kutsikisa mhanzi yangu. Dambarefu iri rinotaura pamusoro pekudzoka kwangu zvakare zvine mutsindo uye rine nziyo pfumbamwe dzinosanga­nisira Six Bullets iyo iri kunyanya kufarirwa nevanhu mumashoo atiri kuenda,” anodaro Mr Reggie.

Anoenderer­a mberi achiti, “Dzimwe nziyo dziri padambaref­u iri dzinosanga­nisira kanoti No to drug abuse apo ndinenge ndichikuru­dzira vechidiki kuti vasatore zvinodhaka uye pane kamwe kanonzi Girl child beware apo ndinotsiur­a vanasikana kuti vasatambe nehupenyu uye kuita zvechipfam­abi sezvo kuine chirwere cheAids chiri kuuraya. Ndinoimba neChiRungu neChiShona zvese kuitira kuti vakawanda vanzwe mumhanzi yangu iyo inodzidzis­a uye kudakadza veruzhinji.”

Muchinda uyu anoti muimbi akaita kuti ave chido nezvemimha­nzi ndimuchaka­bvu Simon Chimbetu.

“Mukukura kwangu ndaifarira zvekuimba uye ndaiimba mumakwaya ekuchikoro zvakare, munhu akaita kuti ndinyanye kuda zvekuimba izvi ndiSimon Chimbetu sezvo mhanzi yake inondinaki­dza saka ndiri kuda kuvavarira kusvika paakasvika,” anodaro.

Anoti ane shuviro yekushanda nevamwe vaimbi pasina rusaruro.

“Ini ndinoda kuimba nemuimbi wese zvake nekuti muimbi wese akakosha. Vamwe vanoita zvemakwikw­i mukuimba umu asi ndinoti hazvisi zvemakwikw­i izvi asi kuda kufadza nekudzidzi­sa vanhu chete. Asi pane vamwe vaimbi vanoita mavhidhiyo vanhu vakashama ndinoti vasiyane netsika iyoyo nekuti mamwe acho haazoite kuona pane vanyarikan­i,” anodaro Mr Reggie.

 ??  ??
 ??  ?? Reginald ‘Mr Reggie’ Murinda
Reginald ‘Mr Reggie’ Murinda
 ??  ?? Muimbi Killer T aivaraidza vanhu pagungano reMiss World Zim kuDombosha­va svondo rapera pamberi
Muimbi Killer T aivaraidza vanhu pagungano reMiss World Zim kuDombosha­va svondo rapera pamberi
 ??  ?? Chikwata cheAirforc­e Traditiona­l Dance Group chaitandad­za vanhu pagungano reDefence Culture Week svondo rapera muguta reHarare
Chikwata cheAirforc­e Traditiona­l Dance Group chaitandad­za vanhu pagungano reDefence Culture Week svondo rapera muguta reHarare
 ??  ?? Zvimwe zvaitiika kumakwikwi eMiss Tourism muHarare svondo rapera
Zvimwe zvaitiika kumakwikwi eMiss Tourism muHarare svondo rapera

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe