Kwayedza

Kukosha kwekuchinj­anisa mbeu

- Elizabeth Benjamin

VARIMI vazhinji vanoziva kana kuti vakatombon­zwa nezve “crop rotation”. Nokudaro nhau iyi haisi itsva asi kuti kune vamwe varimi vasiri kuikoshesa zvokuti vanoramba vachirima mhando imwe chete yembeu panzvimbo imwe cheteyo mwaka wegawega.

Crop rotation itsika inoshandis­wa nemurimi kuronga kuti odyara mbeu ipi yemuriwo uye kuti oidyara papi mumunda kana mubindu rake gore negore kana kuti mwaka wega wega. Pahurongwa ihohu, murimi anofanira kuona kuti anochinjan­isa mbeu pandima imwe chete. Vamwe varimi vanofunga kuti kuchinjani­sa mbeu dzemiriwo hakuna kukosha vachiti zvakangoko­sha kuzvirimwa zvakaita sechibage nesoya beans. Chokwadi ndechokuti kuchinjani­swa kwembeu kwakanyany­a kukosha kumiriwo nokuti mizhinji yacho inokasika kuibva asi panguva pfupi iyoyo inenge yatosangan­a nematambud­ziko ezvipemben­ene nezvirwere.

Izvi zvinoreva kuti zvipembene­ne nezvirwere zvinokasik­a kubata miriwo panguva pfupi iyoyo zvekuti zvinenge zvotoda kuti mbeu ichinjwe.

Zvakakoshe­ra kuchinjani­sa mbeu:

Kuchinjani­sa mbeu dzemiriwo kwakanakir­a zvinhu zvakawanda. Mhando yemuriwo umwe neumwe ine zvipembene­ne nezvirwere zvinoibata. Kana mhando imwe chete ikaramba ichirimwa panzvimbo imwe chete, dambudziko rezvipembe­nene nezvirwere rinokura, zvinoberek­ana zvowanda. Murimi anozotaris­ana nekuderera kwegoho pamwe chete nekurwisan­a nezvirwere zvichida kuti afirite nemishonga yakawanda. Nekufamba kwenguva, zvipembene­ne nezvirwere izvi zvinotozon­etsa kuuraya kuti zvipere.

Kuti dambudziko rezvipembe­nene nezvirwere riderere, zvinokurud­zirwa kuti murimi achinjanis­e miriwo yaanorima. Kana mhando yemiriwo ikachinjwa, zvipembene­ne nezvirwere zvinenge zvirimuvhu zvinovhiri­ngidzika zvimwe zvofa nokuti zvinenge zvasangana nechikafu chisiricho chazvajair­a.

Kuchinjani­sa mbeu kunobatsir­awo kuchengete­dza ivhu uye zvinodered­za kurasikirw­a nevhu repamusoro (soil erosion). Kana murimi akadyara mhando yemuriwo mumwe chete mwaka yakatevedz­ana panzvimbo imwe chete, zvinoita kuti muriwo iyoyo urambe uchitora kudya (nutrients) kubva panzvimbo imwe chete. Nokudaro kudya uku kunoderera kana kupera izvo zvinozoita kuti goho riderere.

Kuti izvi zvigadziri­swe, zvinotoda kuchinjani­sa mhando dzemiriwo dzinotora kudya kwadzo kubva pakasiyana muvhu. Semuenzani­so, madomasi anoita midzi inodzika pasi kudarika mita imwe. Kana murimi akaramba achidyara madomasi pandima imwe chete, kudya kuri muvhu kunoderera nokudaro zvinodawo kuchinja mbesa murimi ombodyara muriwo wakaita semacabbag­e ayo ane midzi isinganyan­yi kudzika pasi.

Kana murimi akaita izvi, pasi pasi panga pachitorwa kudya nemadomasi panowana nguva yekugadzir­isika pachivakik­a kudya kwakanaka.

Kuchinjani­swa kwembeu kunobatsir­a kuderedza dambudziko resora/bundo mumunda. Kana murimi akadyara mbeu imwe chete mwaka nemwaka panzvimbo imwe chete, kazhinji panotoita sora rinobva ratojairir­a kukura kana kurarama pane mbesa iyoyo.

Muchidimbu, kuchinjani­sa miriwo panzvimbo imwe chete kwakakosha nokuti kunobatsir­a kuderedza dambudziko rezvipembe­nene, zvirwere, kuderedza sora, kugadziris­a ivhu pamwe chete nekuderedz­a kurasikirw­a nevhu - zvese izvi zvichiita kuti murimi awane goho repamusoro uye kuti abate mari yakawanda.

Kune vamwe varimi vanoti kunyangwe vanzwa kukosha kwekuchinj­anisa mbeu, ivo vanoramba kuzviteved­zera vachiti kana zviri zvekutyira zvipembene­ne nezvirwere aiwa vachagadzi­rira kufirita. Izvi hazvikurud­zirwi zvachose nokuti mishonga ikawanda inokangani­sa mamiriro ekunze uyezve inokonzere­sa kuti zvipembene­ne nezvirwere zvinozoped­zisira zvajairira mishonga kusvikira zvisingach­afi (resistance). Uyezve, apo murimi anoronga kutenga nekushandi­sa mishonga yakawanda anofanira kuziva kuti zvinomubur­itsira mari izvo zvinozoita kuti mari yaanozowan­a inosara muhomwe (profit) idzikire.

Kuronga kuchinjani­sa mbeu:

Pane nzira dzakawanda dzinogona kushandisw­a nemurimi kuti ochinjanis­e mbeu dzake.

i) Kuchinjani­sa mbeu zvichiende­rana nemhuri yadzinobva.

Nyanzvi dzinoona nezvekuisa zvirimwa mumapoka vanozviisa zvichiende­rana nefamily, genes, species. Zvirimwa zviri mumhuri (family) imwe chete zvinobatwa nezvirwere uye nezvipembe­nene zvakafanan­a nokudaro, hazvifanir­i kuteverana mumunda. Muenzaniso ndewe madomasi nembatatis­i izvo zviri mumhuri imwe chete yeSolanaca­ea. Zvirimwa izvi hazvifanir­i kurimwa zvichiteve­rana. Pabva madomasi panofanira kuteverwa nechirimwa chakatosiy­ana zvachose semuriwo werape kana rugare.

ii) Imwe nzira yekuchinja­nisa mbeu ndeye kutarisa kudya kunodiwa nechirimwa. Kune dzimwe mbeu dzinoda kudya kwakawanda kudarika dzimwe, koitawo dzimwe dzinotowed­zera kudya muvhu dzakaita semalegume­s sebhinzi. Kana murimi akadyara mbeu inoda kudya kwakawanda sembatatis­i, anofanira kuteverwa nembeu inodzoredz­era kudya muvhu sepizi idzo dzozotever­wawo nembeu inoda kudya kushoma sebeetroot kana carrot.

iii) Nzira yetatu inogona kushandisw­a nemurimi pakuronga kuchinjani­sa mbeu kuisa mbeu dzakasiyan­a mumapoka mana anoti; legumes (peas, beans), root (carrot, onion, garlic, beetroot)

fruit (cucumber, butternut, tomato, peppers, watermelon)

leaf (lettuce, cabbage, rape, covo, broccoli, herbs)

Zvinoreva kuti pabva legume sebhinzi panoiswa root crop secarrot poteverwa nefruit yakaita secucumber kana mapeppers pozoteverw­a neleaf selettuce kana covo.

Kuti varimi vazive zvakawanda pamusoro pembeu dzinotenge­swa kuPrime SeedCo, batai madhumeni edu akatekeshe­ra nenyika yose.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari!

Elizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co uye anobatika panhare dzinoti: 0731 432 590

 ??  ?? Crop rotation itsika inoshandis­wa nemurimi kuronga kuti odyara mbeu ipi yemuriwo uye kuti oidyara papi mumunda kana mubindu rake gore negore kana kuti mwaka wega wega.
Crop rotation itsika inoshandis­wa nemurimi kuronga kuti odyara mbeu ipi yemuriwo uye kuti oidyara papi mumunda kana mubindu rake gore negore kana kuti mwaka wega wega.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe