Kwayedza

Chi-town: 18 years musuweji

- Kingstone Mapupu

VAGARI vemumusha weManyame Park Phase 2, kuChitungw­iza, vari kurarama vakaita zvekuny’ura muhuchapa uye vave kutyira utano hwavo sezvo vari panjodzi yekutapuri­rwa zvirwere zvemanyoka secholera zvichiteve­ra masuweji avanoti ave nenguva yakareba achingoyer­era pazvivanze nemudzimba.

Sechinangw­a cheKwayedz­a chekurwisa kupararira kwechirwer­e checholera, nemusi weChipiri svondo rino bepanhau revanhu rakanomema guta reChitungw­iza ndokuona masuweji achingoyer­era nepazvivan­ze uye vagari veko vanoti izvi zvava nemakore 18 zvichiitik­a.

Pane mumwe mugero unofambisa masuweji ari pachena unodarika nepedyo nezvivanze zvedzimba.

Mumwe wevagari vemunzvimb­o iyi, VaFreddie Pabi (35), vanoti vari kurarama nenyasha dzaMwari.

“Mugero unofambisa suweji uyu wava kuvhara tsvina iyi ichipinda nemudzimba. Tave kutyira kubatwa necholera yanetsa iyi, kanzuru tinoitauri­ra asi hapana danho ravanotora,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naVaJulius Ngombe (38) vachiti dambudziko iri rinoda kugadziris­wa nekukasika.

Mai Precious Manyengedz­o (60) vanotiwo pamba pavo panogara pachingoye­rera masuweji uye vakatanga kugara munzvimbo iyi mugore ra2001, masuweji aya achingodar­o.

“Tinorumwa nehumhutu hunobva mutsvina iyi, manyoka atipfidzis­a uye vana vanotamba mutsvina iyoyi. Hapana kana danho riri kutorwa nekanzuru yedu, zvino tave kutyira cholera,” vanodaro.

VaArab Manyengedz­o (60) vanoti zvakangofa­nana nekuti havana kanzuru nekuti hapana anouya kuzotaura navo, kunyangwe vakaendesa zvichemo zvavo kumahofisi eChitungwi­za.

VaClanos Takawira (55) vanotiwo, “Mugero unofambisa tsvina uyu wakadzika mamita maviri, tinotyira kuti vana vachawiram­o vakafa. Vamwe vana vanotambir­awo mutsvina iyi uye cholera iriko iyi kutotinyar­a zvayo, kuchengetw­a naMwari.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nakanzura wenzvimbo iyi, wadhi 4, VaReginald Mashingaid­ze, pamwe nemutaurir­i wekanzuru yeChitungw­iza VaLovemore Meya kusvika pakudhindw­a kwenyaya ino.

 ??  ?? Dziva remasuweji
Dziva remasuweji
 ??  ?? Vana vachidarik­a nepane masuweji
Vana vachidarik­a nepane masuweji
 ??  ?? Mugero wemasuweji
Mugero wemasuweji
 ??  ??
 ??  ?? Freddie Pabi
Freddie Pabi
 ??  ?? Julius Ngombe
Julius Ngombe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe