Mamiriro emwaka yegore
HUTSANZI hwaMusikavanhu hunobuda zvakare pachiitiko chakakosha chinoitika gore rega uye zvisingashanduki. Mugore tinowana pachiita shanduko kumamiriro ekunze zvichienderana nekuti tava munguva ipi.
Kune shanduko ina dzinoitika mumwedzi yegore. Shanduko idzodzo ndidzo dzinotipa mwaka mina yepagore. Mwaka iyi inoti Zhizha kana kuti Maenza, kwoya Matsutso ayo anoteverwa neChando kozouya Chirimo.
Mumwaka iyoyi iri mina mune zvakasiyana zvinoitika zvinoita kuti upenyu hwevanhu nemhuka hufambe mutserendende.
Kubudikidza nekuziva zvose zvinoitika mumwaka iyi, vanhu vanoita gadziriro dzinoenderana nemwaka.
Mwaka weZhizha unobatwa kana kuti unoputira mwedzi mitatu yegore inoti Mbudzi, Zvita naNdira. Mumwaka uyu mvura yemunhuruka inonaya. Kazhinji inonaya kutanga kwaMbudzi. Ndiyo mvura yokutanga iyo varimi vanoshandisa pakukavira nekudyara mbesa.
Nekufamba kwenguva tichipinda munaZvita, mvura zhinji yekukudza mbesa inobva yambotsitsana kunaya. Sora rinoita nhangemutange nechibage nedzimwe mbesa pakukura nokudaro vanhu vanopinda mubishi rekusakura nekudzurira masora.
Munguva iyi shiri dzinobva mhiri kwemakungwa, dziya dzinonzi mashuramurove, dzinouya dzichiswera dzichidya mhashu nezvitototo kumakura kunofudzirwa mombe. Twukara twunonanaira twunozvarana twowanda.
MunaNdira munozvarwa twupuka twutema twunonzi ndira utwo twunonanaira nekunamatira pamatombo. Mbesa dzinenge dzisati dzaibva nekudaro nzara inenge
◆