Kwayedza

Mamiriro emwaka yegore

- Ticha Danga

HUTSANZI hwaMusikav­anhu hunobuda zvakare pachiitiko chakakosha chinoitika gore rega uye zvisingash­anduki. Mugore tinowana pachiita shanduko kumamiriro ekunze zvichiende­rana nekuti tava munguva ipi.

Kune shanduko ina dzinoitika mumwedzi yegore. Shanduko idzodzo ndidzo dzinotipa mwaka mina yepagore. Mwaka iyi inoti Zhizha kana kuti Maenza, kwoya Matsutso ayo anoteverwa neChando kozouya Chirimo.

Mumwaka iyoyi iri mina mune zvakasiyan­a zvinoitika zvinoita kuti upenyu hwevanhu nemhuka hufambe mutserende­nde.

Kubudikidz­a nekuziva zvose zvinoitika mumwaka iyi, vanhu vanoita gadziriro dzinoender­ana nemwaka.

Mwaka weZhizha unobatwa kana kuti unoputira mwedzi mitatu yegore inoti Mbudzi, Zvita naNdira. Mumwaka uyu mvura yemunhuruk­a inonaya. Kazhinji inonaya kutanga kwaMbudzi. Ndiyo mvura yokutanga iyo varimi vanoshandi­sa pakukavira nekudyara mbesa.

Nekufamba kwenguva tichipinda munaZvita, mvura zhinji yekukudza mbesa inobva yambotsits­ana kunaya. Sora rinoita nhangemuta­nge nechibage nedzimwe mbesa pakukura nokudaro vanhu vanopinda mubishi rekusakura nekudzurir­a masora.

Munguva iyi shiri dzinobva mhiri kwemakungw­a, dziya dzinonzi mashuramur­ove, dzinouya dzichiswer­a dzichidya mhashu nezvitotot­o kumakura kunofudzir­wa mombe. Twukara twunonanai­ra twunozvara­na twowanda.

MunaNdira munozvarwa twupuka twutema twunonzi ndira utwo twunonanai­ra nekunamati­ra pamatombo. Mbesa dzinenge dzisati dzaibva nekudaro nzara inenge

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe