Kwayedza

Vopakura ruzivo rwemakombi­yuta

- Daphne Machiri

SANGANO rakazvimir­ira reKinderCa­re Zimbabwe rakaparura chirongwa chekusimud­zira ruzivo rwekushand­isa kwemakombi­yuta pamwe nedandemut­ande kubvira pagwaro reEarly Childhood Developmen­t (ECD) kusvika Grade 7 nedonzvo rekurodza pfungwa dzevana.

Muhurukuro nemutungam­iri wesangano iri, Dr Faith Katsonga Nyamukapa, vanoti vakavamba chirongwa chinozivik­anwa nekuti Smart-Kidz Club mushure mekuona zvakakosha kuti vana vafambiran­e nenguva kubvira vachiri kuECD.

“Gwaro reECD rakakosha nekuti ndiko kunotangir­a kurodzwa njere dzevana kusvika vaende kumayunivh­esiti. Takaona zvakakosha kuti tishande nemakiresh­i pamwe nezvikoro zvepuraima­ri kuti vana vave neruzivo pamusoro pezvemakom­biyuta nedandemut­ande,” vanodaro.

Vanoti Zimbabwe inyika yechishanu muAfrica kuparura chirongwa cheSmart Kidz Club uye dzimwe nyika dzachiri ndedzinoti South Africa, Botswana, Kenya neMalawi.

“Smart Kidz Club inobatsira vana nezvidzidz­o zvakasiyan­a-siyana sekuvereng­a, kuvaka mazwi, kuziva mhuka nemazita adzo, zvidzidzo zvemasvomh­u nezvemamir­iro ekunze vana vachiziva kuti mvura inonaya kana zvaita sei nezvimwe zvakaita semitambo,” Dr Katsonga Nyamukapa.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Chirongwa ichi tichaenda nacho kumapurovh­inzi akasiyana tichifambi­rana zvakare nezvinangw­a zvepasi rose zveSustain­able Developmen­t Goal nhamba 4 iyo inoti mwana wose ane kodzero yekuwana dzidzo yepamusoro.

‘‘Tichange tichishand­a nezvikoro zvinosanga­nisira zvekumaruw­a nekuti mwana wose anofanirwa kufambiran­a neruzivo rwechimanj­e-manje.”

 ??  ?? Dr Faith Katsonga Nyamukapa
Dr Faith Katsonga Nyamukapa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe