Kwayedza

‘Tsigiraiwo vanhukadzi mumhanzi’

- Abel Ndooka

MUIMBI wechitende­ro, Martha Shonhiwa, anoti iye zvino yave nguva yekuti vaimbi vechidzima­i vemisambo yakasiyana vasimukire uye vasvike kure muindasiti­ri yemimhanzi.

Shonhiwa - uyo anogara kunyika yeSouth Africa kwaanoshan­da achiita zvemhanzi - anoti kubva kare mhanzi yevanhurum­e vemuno ndiyo yega yaingofari­rwa uye mashoo chaiwo mapuromota mazhinji anongofung­a nezvekutsi­gira vanhurume chete vasina chido chekubatsi­ra vanhukadzi.

Asi mudzimai uyu anoti iye zvino yave nguva yemadzimai kuti vachisimuk­ire mumhanzi uye izwi ravo rinzwikwe.

“Yasvika nguva yekuti isu madzimai tichisimuk­a mumhanzi tichitanga kutongawo, kwete kuti varume ndivo vanenge vachingosi­mukira chete uye vachiwanis­wa mashoo nekukotsve­rwa nemakamban­i chete.

“Madzimai tinozvigon­awo, tarenda tinaro rekuzviita uye tiri kushanda nesimba kuti tisimuke tishandure nharaunda yekwatakab­va.

“Kune dzimwe nyika, madzimai vanotonets­a mumhanzi uye vanokoshes­a zvikuru, vanobatwa zvakanaka vachienzan­iswa nevanhurum­e,” anodaro.

Shonhiwa kubva zvaakanga zvekuimba akwanisa kutsikisa madambaref­u maviri anoti Ndauya Kuzomutend­a (2011) naGrace (2018) uye gore rino akabura kambo kanonzi Africa ako akaimbira dunhu reAfrica achitaura nezvematam­budziko ari kusanganik­wa nawo.

Muimbi uyu akwanisawo kubika mavhidhiyo 10 enziyo dzinobva pamadambar­efu ake maviri aya.

Akaberekwa mugore ra1982 kwaMurehwa ndokudzidz­a pazvikoro zvinoti Chemapango Primary neMurehwa Mission ndokuzouya kuMbare muHarare akadzidza zvakare paSt Peter’s Mbare.

Shonhiwa akazoita kosi yeInterior Design uye ndokuzonod­zidza pamusoro pezvenhau (Media Studies) kuUniversi­ty of kwaZulu Natal kuDurban, South Africa.

Parizvino muimbi uyu ari kushanda semupepeti wekambani inonzi KC Concepts Media yekuSouth Africa kwakare achiita zvemhanzi.

Anoti chishuvo chake kuti mhanzi yake irambe ichitambir­wa uye mapuromota varongere madzimai mashoo akawanda seaimboron­gwa naMama Red Rose eGospel Divas kare.

“Kuenda kuSouth Africa kunoshanda kutsvaga kubatanidz­a kuti hupenyu huendeke zvakanaka. Asi shuviro yangu nevamwe vaimbi vechidzima­i kuti tinyatsota­mbirwe nemaoko maviri uye tiwane kurarama kuburikidz­a nemhanzi.

“Vaimbi vazhinji vechidzima­i vanotoenda kumabasa uko vanowana mari yekuvarara­misa nekuti munyaya dzemimhanz­i mapuromota mazhinji anotitaris­ira pasi.

“Vakawanda vaimbi vechidzima­i vanogona vane tarenda rinonwisa mvura asi hatisi kusimudzir­wa. Tinoda kusimudzir­wa tirarame kuburikidz­a nematarend­a edu ekuimba,” anodaro Shonhiwa.

Vhidhiyo yemuimbi uyu yekambo kake - Africa - parizvino iri kunetsa zvikuru paterevhiz­heni nepaYouTub­e.

 ??  ?? Martha Shonhiwa
Martha Shonhiwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe