Kwayedza

Derere: Zvambura mari

- Bright Musakanda

DERERE, okra pachiRungu, chirimwa chinovaka muviri pamwe chete nekuitisa murimi mari yakawanda.

Muderere tinowana maVitamin C ayo anobatsira kudzivirir­a muviri kubva kuzvirwere. Nyanzvi dzezveutan­o mazuva ano dziri kukurudzir­a kudya kunovaka muviri kwakaita sederere, zvinova zvakonzera kuti kudiwa kwaro pamusika kukwire zvekuti varimi vari kuririma vari kuzvambura mari chinyarari­re.

Nhoroondo yekurimwa kwederere yakatangir­a kunyika yeEthiopia muno muAfrica. Kukambani yePrime Seed Co tine mbeu yederere inorimika zvakanaka uye ichipa goho rakanaka kumurimi inonzi Clemson Spineless.

Mamiriro ekunze nevhu:

Derere rinoda kurimwa munguva yekudziya kwekunze, uye rinoda ivhu rinofamba mvura zvekare rakasunung­uka. Ivhu racho rinofanira kunge richivavir­a zviri pakati pe6.0 kusvika ku6.8.

Derere rinoda kudziya kwekunze kuri pakati pe25 kusvika 35 degrees celsius asi rinoshingi­rira zvakanyany­a muzuva. Chirimwa ichi chiri mumhuri imwe chete nedonje inonzi (mallow family).

Fetireza:

Varimi vanokurudz­irwa kuti vanoongoro­resa ivhu ravo kunanamazv­ikokota kuti vanyatsozi­va zvinodiwa nechirimwa. Derere rinodyarwa nefetireza yeNPK 15-15-15 inosvika iyo 220kg pahekita imwe chete. Parinenge rava kuita maruva, rinoda fetireza yeSulphate of Ammonia iri pakati pe110 kusvika 150 pahekita imwe chete kana kuti 75kg Ammonium Nitrate.

Madyariro:

Derere rinodyarwa mumitsara yakafara zviri pakati pe60 kusvika 90cm. Kubva padzinde kuenda pane rimwe panofanirw­a kufara zviri pakati pe20 ne40cm.

Tinofanirw­a kudzikisa mhodzi dzedu kusvika pa2,5cm mugomba. Pahekita imwe chete panoda 3.5kg dzemhodzi.

Kudiridzir­a:

Sezvirimwa zvose, derere rinoda mvura kuti rikure asi kwete yakawandis­a. Rinoda mvura inoita 350mm mushure mezuva roga roga kusvika marikohwa. Mumunda munofanirw­a kugara makachena musina masora kuitira kuderedza zvirwere nehudyi.

Pakurima derere, murimi anofanira kugadzirir­a mishonga yekuuraya nhata netumwe twumbuyu twunobhuru­ruka twunonzi White fly.

Kukohwa:

Derere rinofaira kukohwewa risati rakomba kazhiji kacho mazuva mashanu kusvika kumatanhat­u maruva avhurika. Murimi anofanira kukohwa ruviri kana rutatu pavhiki uye pakukohwa murimi anofanirwa kungwarira kuti asamara mara derere nokuti kana rikamarika rinozosvib­a rotadza kutengesek­a.

Kana murimi akarima zvakanaka anokohwa kubva pamatani matanhatu kusvika kugumi nemaviri pahekita.

Kana muine zvimwe zvamungada kuziva pamusoro pederere kana dzimwe mbeu, batai varimisi vePrime Seed Co vari kumatunhu ose enyika.

Mari iri muvhu, uye goho rakanaka rinotangir­a mumbeu dzePrime Seed Co.

Bright Musakanda murimisi wePrime Seed Co kuMasvingo uye mubatei panhare dzinoti: 0731 306 020 kana 0777 306 020

 ??  ?? Derere
Derere
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe