Kwayedza

Tsigirai ZRP: Cde Mathema

- Kingstone Mapupu

GURUKOTA rezvinoiti­ka mukati menyika nekuchenge­tedzwa kwetsika, Cde Cain Mathema, vanoti zvakakosha kuti mapurisa eZimbabwe Republic Police awaniswe zvekushand­isa zvakakwana zvinosanga­nisira michina yechizvino-zvino kuitira kuti vakwanise kurwisa kuparwa kwemhosva.

Vakataura mashoko aya svondo rapera mushure mekumema muzinda mukuru wemapurisa wePolice General Headquarte­rs uri muHarare apo vaiona mashandiro emapurisa eZRP.

Vaive pachiitiko ichi vanosangan­isira mukuru wemapurisa, Commission­er-General Godwin Matanga, vatevedzer­i vavo nevamwe vakuru vemapurisa.

“Mapurisa edu havasi kukwanisa kufambidza­na nenguva nekuda kwekushaik­wa kwemichina yechizvino-zvino, nekudaro zvinovakan­ganisa mubasa ravo.

“Tinoda kuti vave nemichina iyi basa ravo rofambe zvakanaka,” vanodaro Cde Mathema.

Vanoti mapurisa akatarisan­awo nedambudzi­ko rekushomek­erwa nedzimba dzekugara zvose nemahofisi.

“Tinoda kuti mapurisa edu vawane dzimba dzekugara dzakanaka voshandira­wo mumahofisi akanaka. Kushaikwa kwedzimoto­kari nezvimwe mubazi redu kunodzoser­a kumashure basa remapurisa, nekudaro bazi redu rakazvipir­a kushanda nesimba kuti matambudzi­ko aya apere.

“Tichashand­a tose naCommissi­oner-General Matanga k akwanise kushanda zv ravo,” vanodaro.

Cde Mathema vanot nemapurisa nekuzvi mubasa rekushandi­ra n

“Commission­er-Gen vandizivis­a kuti m kuramba achienda kuz chekuita nebasa kuti va simukira mubasa ravo ruzivo.”

Cde Mathema vanoen vachiti, “Ndinokumb rwenyika kuti vatsigire

kushanda kuchengete­dza runyararo rwenyika.” Vanoti kushanda kwemapuris­a neruzhinji kunosimudz­ira upfumi hwenyika kuburikidz­a nekurwisa nyaya dzehuwori.

“Ndinokurud­zira mapurisa kuti varambe vachishand­a nesimba mukurwisan­a nekuparwa kwemhosva nekudzikis­a tsaona dzemumigwa­gwa,” vanodaro Cde Mathema.

Vanokurudz­ira vatori venhau kuti vaburitse nhau dzinovaka nekuumba nyika dzichikuru­dzira runyararo.

“Rambai muchifumur­a nyaya dzine chekuita nehuwori,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe