SAHWIRA AKADYA CHITUNHA
‘Ndainge ndakadhakwa’
MUNYAYA inofungidzirwa kuti ine chekuita nehuroyi, mutumbi wemumwe murume wekuWard 1 yekuMazowe, kwaMambo Makope, unonzi wakazovigwa usisina rimwe ziso iro rinonzi rakadyiwa nasahwira wake.
Chitunha chaArtwell Dhiki, wemubhuku raMwedziwendira, kwaGoteka, chinonzi chakazovigwa chava neziso rimwe chete iro rainge rakasvinura.
Mbuya Domina Mutemadaro (68), avo vanova mudzimai wasahwira wemhuri iyi, havasi kuramba kana kubvuma nyaya iyi, kunze kwekungoti, “Handizive zvandakaita, ndainge ndakadhakwa zvekupedzisira”.
Sahwira chembere uyu anongoyeuka kuti ainge anwa doro zvekuraradza musi uyu uye akazobhadhariswa faindi ye$10 nemapurisa ekuCentenary mushure mekubvuma mhosva “yekushereketa” kana kuti “yekutamba” nemufi.
Anoti kuKwayedza svondo rapera, “Ndainge ndakadhakwa ne7-days zvekudhakwa zviya. Saka hatimboziva kuti zvakafamba sei . . .”
Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Makope, VaJacob Mapirinjanja, avo vanoti vakashaya chirango chekutema nacho chembere iyi sezvo ichitambura mukurarama kwayo.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti nyaya iyi haisati yasvika kuhofisi yavo.
Artwell anonzi akafa mushure mekurwara nemusoro.
Nyarai Dhiki (36), anova hanzvadzi yemufi, anoti mudzimai wasahwira wavo ndiye akadya ziso rechitunha chehanzvadzi yake izvo zvakaita kuti vamusungise nemapurisa.
“Hanzvadzi yangu Artwell akauya pano achirwara nemusoro. Ndini ndaimupepa kudzimara afa.
“Zvadaro, ndakanoshevedza sahwira wababa vangu, Karima Musetu (67), ndichivazivisa nezvedambudziko rakanga tatiwira.
“Ava ndisahwira wababa, zvakare ndivo vakaviga baba vangu pavakafa. Zvisinei, vakauya vachichema nesu asi dambudziko raka
Endai kuPeji 18