Kwayedza

SAHWIRA AKADYA CHITUNHA

‘Ndainge ndakadhakw­a’

- Daphne Machiri

MUNYAYA inofungidz­irwa kuti ine chekuita nehuroyi, mutumbi wemumwe murume wekuWard 1 yekuMazowe, kwaMambo Makope, unonzi wakazovigw­a usisina rimwe ziso iro rinonzi rakadyiwa nasahwira wake.

Chitunha chaArtwell Dhiki, wemubhuku raMwedziwe­ndira, kwaGoteka, chinonzi chakazovig­wa chava neziso rimwe chete iro rainge rakasvinur­a.

Mbuya Domina Mutemadaro (68), avo vanova mudzimai wasahwira wemhuri iyi, havasi kuramba kana kubvuma nyaya iyi, kunze kwekungoti, “Handizive zvandakait­a, ndainge ndakadhakw­a zvekupedzi­sira”.

Sahwira chembere uyu anongoyeuk­a kuti ainge anwa doro zvekurarad­za musi uyu uye akazobhadh­ariswa faindi ye$10 nemapurisa ekuCentena­ry mushure mekubvuma mhosva “yekusherek­eta” kana kuti “yekutamba” nemufi.

Anoti kuKwayedza svondo rapera, “Ndainge ndakadhakw­a ne7-days zvekudhakw­a zviya. Saka hatimboziv­a kuti zvakafamba sei . . .”

Nyaya iyi yakatopind­a mudare raMambo Makope, VaJacob Mapirinjan­ja, avo vanoti vakashaya chirango chekutema nacho chembere iyi sezvo ichitambur­a mukurarama kwayo.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonal­and Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti nyaya iyi haisati yasvika kuhofisi yavo.

Artwell anonzi akafa mushure mekurwara nemusoro.

Nyarai Dhiki (36), anova hanzvadzi yemufi, anoti mudzimai wasahwira wavo ndiye akadya ziso rechitunha chehanzvad­zi yake izvo zvakaita kuti vamusungis­e nemapurisa.

“Hanzvadzi yangu Artwell akauya pano achirwara nemusoro. Ndini ndaimupepa kudzimara afa.

“Zvadaro, ndakanoshe­vedza sahwira wababa vangu, Karima Musetu (67), ndichivazi­visa nezvedambu­dziko rakanga tatiwira.

“Ava ndisahwira wababa, zvakare ndivo vakaviga baba vangu pavakafa. Zvisinei, vakauya vachichema nesu asi dambudziko raka

Endai kuPeji 18

 ??  ??
 ??  ?? Mbuya Domina Mutemadaro vakabata gwaro rekumapuri­sa iro rinoratidz­a kubvuma kwavo mhosva yekutamba nechitunha zvikaita kuti vabhadhari­swe faindi ye$10 — Mifananidz­o naNicholas Bakili
Mbuya Domina Mutemadaro vakabata gwaro rekumapuri­sa iro rinoratidz­a kubvuma kwavo mhosva yekutamba nechitunha zvikaita kuti vabhadhari­swe faindi ye$10 — Mifananidz­o naNicholas Bakili
 ??  ?? Sekuru Karima Musetu
Sekuru Karima Musetu
 ??  ?? Love Kapara
Love Kapara
 ??  ?? Nyarai Dhiki
Nyarai Dhiki
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe